Accessibility links

Breaking News

Chirwere chePfungwa Chonetsa Vakawanda Munyika


President Donald Trump delivers a speech to the Arab Islamic American Summit, at the King Abdulaziz Conference Center, May 21, 2017, in Riyadh.
President Donald Trump delivers a speech to the Arab Islamic American Summit, at the King Abdulaziz Conference Center, May 21, 2017, in Riyadh.

Dambudziko rechirwere chepfungwa rinonzi riri kuramba chichiwanda munyika.

Dr Sekai Nhiwatiwa, avo vanoshanda senyanzvi yezvirwere zvepfungwa kuchipatara che Parirenyatwa, vanoti kuondomoka kwehupfumi hwenyika kuri kukonzera huwandu hweavo vari kubatwa nezvirwere zvepfungwa.

Dr Nhiwatiwa, avo vanova mudzidzisi ku University of Zimbabwe, vanoti pane mishonga inogona kubatsira vari kubatwa nechirwere ichi asi vamwe havasi kukwanisa kuutenga sezvo uchidura.

Mhuri zvinji dzinonzi mune dzimwe nguva dziri kuendesa hama dzavo kumachechi emweya nekun'anga apo vanowona hama yavo seyabatwa nechirwere chepfungwa.

Asi Dr Nhiwatiwa vanokurudzira kuti varwere vaendeswe kuchipatara kuitira kuti vawane rubatsiro nguva ichiripo chirwere chisati chakomba.

Dr Nhiwatiwa vanoti zvakakosha kuti vanenge vabatwa nezvirwere izvi vasasarudzwe asi kuti vapihwe rubatsiro rwunokodzera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG