Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vonyunyuta Vachiti Chirongwa chePfumvudza Chave Kuiswa zveMatongerwo eNyika


madzimai ewkuZaka ari kunyunyuta kuti chirongwa chekupa mbeu chePfumvudza chave kushandiswa mune zvematongerwo enyika.
madzimai ewkuZaka ari kunyunyuta kuti chirongwa chekupa mbeu chePfumvudza chave kushandiswa mune zvematongerwo enyika.

Madzimai emuWard 19, kuZaka, mudunhu reMasvingo, ari kuchemachema kuti chirongwa chehurumende chekurima chePfumvudza chiri kutarisa kuti munhu anobva kubato rezvematongerwe enyika ripi, achiti vazhinji vavo vari kunyimwa nekuti vanotsigira mapato anopikisa.

Pasi pechirongwa ichi hurumende iri kucheresa vagari vekumaruwa makomba ekudyara mbeu yechibage iyo yairi kupa vanhu pachena senzira yekuda kurwisa nzara mwaka uno.

Asi vachitaura pamusangano wekucherechedza zuva remadzimai ekumaruwa wakaitwa nesangano reHeal Zimbabwe Trust, iro rinorirwa kodzero dzevanhu, madzimai aya akati ari kusarudzwa pachirongwa chehurumende kunyange akachereswa makomba.

Amai Mercy Makaona Muziri vekuJerera, vanoti ivo chirongwa ichi chaitungamiririwa nanamudhumeni asi chakazotorwa nevatsigiri veZanu PF avo vave kugova mbeu nefotereza vachinyima madzimai anofungidzirwa kuti anotsigira mapato anopikisa.

Mumwe mudzimai akada kuzivikanwa nekuti Amai Tanyaradzwa anoti zvekunyimwa mbeu nefetiraiza dzehurumende zvinovarwadza nekuti zvinofanira kupuwa munhu wese pasina kuti munhu ndewe bato ripi.

Kanzera we Ward 19, webato reMDC Alliance, VaPeter Imbayarwo, vakabvumirana nemadzimai pamusangano uyu vachiti chirongwa chaita mbiri munyika chiri kuitiswa zvematongerwe enyika.

Asi mutauriri weZanu PF mudunhu reMasvingo, VaRonald Ndava, varamba mashoko aya vachiti manyepo.

Vachitaurawo pamusangano uyu vanofambisa mabasa mu Heal Zimbabwe Trust, VaPride Mungwari, vanoti kunyimwa kwevanhu zvinhu zvezvirongwa zvehurumende nezvematongerwe enyika kutyora kodzero dzevanhu.

Sangano re Heal Zimbabwe Trust riri kushanda nemadzimai richizama kupedza matambudziko avanosangano navo mumaruwa.

Sangano iri rikuitira madzimai zvirongwa zvemapindu emubatanidzwa nemikando nechinangwa chekupeda mhirizhonga dzemudzimba dzavanosangano nadzo kana vasina chekubata.

Zvichakadaro mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Munangagwa, nhasi vakumikidza vadzidzi vepa Great Zimbabwe University vakakunda muzvidzo zvavo vanosvika zviuru zvina nemazana masere nemakumi matatu nevapfumbamwe kana kuti 4 839.

Pavadzidzi ava zviuru zvitatu nemazana masere nemakumi mapfumbamwe ane vapfumbamwe (3899), vakabuda nemadhigirii ekutanga (under graduate) uye mazana mapfumbamwe nemakumi mana (940) vakabuda nezvidzidzo zvepamusoro (post graduate).

Vanhukadzi pavadzidzi ava vanga vari zvikamu makumi matanhatu nechimwe kubva muzana kana kuti 61 percent.

Nenyaya yedenda reCovid-19 vadzidzi vakawanda havana kukwanisa kuuya kuzobatwa misoro nemutungamiriri wenyika kunze kwevakakundisa muzvidzidzo.

Nyaya ina Godfrey Mutimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG