Veruzhinji vanoti havasi kufara nekukwidzwa kwakaitwa mutengo wemafuta edzimotokari nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa neMugovera vachiti izvi zvhichaita kuti hupenyu huomere veruzhinji munyika.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neMugovera vakazisivisa kuti peturu yave kutengwa nemadhora matatu nemasendi makumi matatu nerimwe parita, ukuwo dhiziri rave kutengwa nemadhora matatu ane masendi gumi nerimwe chete parita.
VaMnangagwa vakati vezvitoro havafanire kukwidza mitengo yezvinhu zvichitevera kukwidza kwakaitwa mafuta edzimotokari.
Asi mutungamiri wesangano revanofamba nemotokari dzinotakura veruzhinji VaTafadzwa Goliati, vanoti veruzhinji vachadhurirwa nekufamba sezvo vemakombi nemabhazi vatokwidza mari dzekufamba.
Mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Nester Mutikani, vanoti zvichaomera hurumende sezvo vachiti hurumende icharamba ichipinza ruoko muhomwe mayo kuti ikwanise kutenga mafuta aya.
Zvichakadaro, muutungamiri wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti vashandi ndivo vachanyanyoomerwa sezvo hurumende isina kuwedzera vashandi vayo mari dzemihoro, uku ichikwidza mutengo wemafuta edzimotokari.
VaMnangagwa vakati hurumende yavo iri kutarisira kuwedzera vashandi vayo mihoro muna Kubvumbi wegore rino.
Mutauriri wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHashatag Tajamuka, VaPromise Mkwananzi, vanoti chave kudiwa ndechekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvitaure nezwi rimwe chete vachiti zvave pachena hurumende yaVaMnangagwa iri kumhanya nemakarimwa.
Kunyange hazvo hurumende yakawedzera mitengo yemafuta edzimotokari, veruzhinji vaswera vari mumitsetse yekutsvaga mafuta aya sezvo vemagaraji mazhinji vanga vachiti havana mafuta acho.
Facebook Forum