Vagari vekuMasvingo vari kuchema chema nezviri kuitwa nemasoja ayo vanoti ari kutyora kodzero dzevanhu. Vagari ava vari kukurudzira hurumende kuti ichibvisa mauto mumigwagwa pamwe nemunzvimbo dzakazara veruzhinji nekukurumidza.
Kurudziro yekuti mauto abviswe inotevera kushungurudza nekutyora kodzero dzevanhu kuri kuitea nemasoja aya.
Mauto anonzi akarova vanhu pamwe nekuridzira pfuti kwakaita mubhazi rekwa MB raienda kwaMutare richangobuda mudhorobha re Masvingo izvo zvakapotsa zvakonzeresa njodzi yaigona kutora hupenyu hwevanhu.
VaEdward Jacob Manzanga vanoti mauto anofanira kuchibviswa muvanhu nekuti vave kugara mukutya.
" Nyaya imwe yotityisa ndeyekuti kushandiswa kwavakuita masoja nehurumende yaVaMnangagwa kwava kutityisa nekuti masoja kubva kare tangatisingamaoni taingoona ma black boots, saka hatizivi kuti zvingagadziriswa sei, toda kuti vagare kumabaraki hondo yavo vakapedza, totozovavinga isu haikona kuti vauye kwatiri," vadaro VaManzanga.
VaObert Kurumidzai vanoti vanoshora zvikuru kuridzirwa pfuti kwakaitwa vanhu vaiva mubhazi.
"Ini ndiri kushushikana zvisingamboti because mubhazi umu makaridzirwa pfuti maitova nehama dzedu apa maiva nevanhu vakawanda zvekuti dai pakaita tsaona dai vanhu vakarasikirwa nehama neni nehama yangu masoja ka zvemu road izvi hazvisi zvavo dai vadzokera havo kumabraki tadzokera kumapurisa edu akare," VaKurumidzai vanotsanangura.
VaLuis Mubango vanoti zvakwana kuti masoja ave munharaunda yavo.
Nyanzvi mune zvekodzero dzevanhu vari mutauriri weMasvingo Human Rights Trust, VaTineyi Mapingure, vanoti mauto ari kutyora kodzero dzevanhu uye bumbiro remitemo yenyika.
Svondo rapfuura dzimwe nhengo dzeparamende dzakaratidzawo kunyunyuta nenyaya iyi dzikaudza mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, kuti vaudze mutungamiriri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, kuti vari kutyora bumbiro renyika nekuramba vakadira mauto muvanhu.
VaMundenda vanonzi vakavimbisa kuendesa nyaya iyi kumutungamiriri wenyika .
Nyaya dzemauto ari kurova nekushandisa pfuti zvisiriizvo muvanhu dzatekeshera mumatandemutande.
Mumwe muuto mumusha we Pangolin anonzi akasiya zvidhakwa mubhawa zvakabatira hana mumaoko mushure mekubudisa nekuridza pfuti anetsana nemumwe murume pamusoro pemusikana anoita basa rekutengesa muviri nguva dzemanheru.
Kunyange takundikana kubata mutauriri wemauto munyika, Colonel Overson Mugwisi , vakaudza vemapaepa nhau kuti vanhu vari kutirwa izvi ngavabudise humbowo kuitira kuti vaferefete nyaya idzi, vachivakurudzira kumhangara nyaya dzacho kumapurisa.
Facebook Forum