Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vari Kutadza Kutora Mari Dzavo Mumabhangi


Bank queues
Bank queues

Vanhu vakawanda varikutadza kutora mari dzavo mumabhangi vakatarisana nezororo rekisimusi.

Vamwe vevanhu ava vanoti vabva kunzvimbo dziri kure dzakaita seMhangura, Banket neMtorashanga kuzotsvaga mari muChinhoyi asi vaishaiwa.

Mumwe wevashaya mari pabhangi reZB ndiVaTapera Gombami vekuMhangura.

VaGombami vanoti kushaya mari kuchaita kuti zororo rekisimusi risanakidze sezvo vanenge vasina mari yekufamba.

VaGombami vanoti dai vemabhangi vachipa vanhu vose kamari kashoma zvako kuta vawane mari dzekufambisa sezvo vanotakura vanhu vasingade mari yekupihwa mufoni kana kuti ecocash.

Mumwe afumira kubata jongwe muromo kubata nzvimbo pamutsetse wekutora mari akaishaya ndiVaMirosi Chipfunde.

VaChipfunde vanoti vashaya mari zvekuti havana yekudzokera kumba kwavo nhasi.

VaChipfunde vanoti kunyange vachikwanisa kutenga zvinhu zvakaita sezvekudya nenhumbi zvinenge zvichidhura uye vanenge vachida mari yekufambisa.

Nyanzvi munyaya dzezvemari, VaPersistance Gwanyanya, vanoti havashamiswe nemitsetse pamabhangi munguva ino yezororo rekisimusi asi vanoshushikana nenyaya yamekuti mitsetse pamabhangi ndiwo wavemugariro.

VaGwanyanya vakamboshanda mubhangi kwenguva yakareba vanoti havaone dambudziko rekushaikwa kwemari richipera sezvo nyika iyine mari shoma kudarika iri kudiwa nevanhu.

VaGwanyanya vanoti nyika ine mari inobatika inosvika mamiriyoni mazana maviri emabhondi nemamiriyoni mazana mana emari yekuAmerica zvichienzaniswa nemari ingangodiwa nevanhu nemakabhani inodarika mabhiriyoni mapfumbamwe.

Vanhu vakawanda vanoti nekuda kwekushayikwa kwemari zuva rekisimusi richapfuura semamwe mazuva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG