Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vanoti Hurumende Isabatsira Pachena Makambani Anenge Apfugama


Veruzhinji vanoti hurumende haifanirwe kuita tsika yekupa veruzhinji mutoro nekuvatakudza zvikwereti zvemakambani ehurumende.

Izvi zvabuda pamusangano wekunzwa mafungiro everuzhinji pamusoro peZimababwe Iron and Steel Company (ZISCO) Debt Aasumption Bill waitwa neChina muBulawayo nekomiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari.

Kana bhiri rikaitwa mutemo zvinoreva kuti hurumende ndiyo ichange yave kubhadhara chikwereti chinosvika mamiriyoni mazana mashanu emadhora chine kambani yeZisco kumakambani akasiyana-siyana kusanganisira vashandi.

Mumwe mugari wemuBulawayo, VaPhakamani Moyo, vati havafari kuti hurumende itore chikwereti ichi vachitiwo pane zvimwe zvakawanda zvakakosha zvinofanirwa kubhadharwa nehurumende kusanganisira kuve nemishonga muzvipatara uye kubhadharira nherera mari yechikoro.

Mumwewo mugari uyo angozvidoma nezita rekuti Florence ati kunyange hazvo zvakakosha kuti maindasitiri munyika amutsurudzwe, hurumende haifanirwe kungotora chikwereti chakadaro pasina kuitwa ongororo yakakwana yekuti kambani yeZisco yakaita chikwereti chakadaro sei.

Mumiriri weBinga North mudare reparamende variwo nhengo yekomiti yezvemari, VaPrince Sibanda, vaudza Studio7 kuti vanhu vakawanda kune dzimwe nzvimbo dzavaenda munyika vane maonero mamwe chete ekuti hurumende haifanirwe kuve iyo inobhadhara zvikwereti zvemakambani ehurumende.

VaSibanda vati vanhu vakawanda vanoyeuka nyaya yeReserve Bank Debt Assumption Act apo vanhu vakatsutsumwa nenyaya yekuti hurumende ibhadhare chikwereti cheRBZ icho bhanga iri raive raita richitenga midziyo yakasiyana-siyana yekurimisa iyo yakapiwa vamwe vakuru vakuru mhurumende.

VaTapiwa Manyangadze avo vanoshanda neNational Employment Council for the Engineering, Iron and Steel Industry vati vashandi vekambani yeZisco vanofanirwa kubhadharwa mari dzavo dzemihoro.

Sachigaro wekomiti yeparamende yezvemari, VaDavid Chapfika, vati Zisco ikambani yakakoshera nyika zvikuru ndosaka hurumende iri kuda kuita danho rekutora chikwererti chakambani iyi senzira yekuedza kuimutsurudza.

Zisco ndeimwe yemakambani makuru aive munyika asi yakawira pasi nepamusana pekutadza kuronga kwevakuru vakuru vekambani, uyewo kupindira kwehurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG