Accessibility links

Breaking News

Vakaremera Vokurudzira Hurumende Kuti Itore Matanho paKodzero Dzavo


File--In this April 14, 2014 photo, Hamamatou Harouna, 10, crawls to the restroom on the grounds of the Catholic Church where she and hundreds of others found refuge in Carnot, Central African Republic.

Vakaremara vanoti hurumende inofanirwa kutora matanho ekupedza kumbunyikidzwa kwekodzero dzevakaremara munharaunda mavagere.

Mumwe mudzidzi wezvemabhizinesi paHarare Polytechnic, Muzvare Tinotenda Gweshengwe, avo vakaremara, vanoti vakaremara vakawanda vari kusangana nematambudziko ekumbunyikidzwa kwekodzero dzavo.

"Munhukadzi akaremara akaroorwa nemurume asina kuremara kana kuti murume akaremara akaroora asina kuremara hama zhinji hadziwanzozvitambira. Vanotopopota kupedzisira vatorambanisana vanhu. Vanenge vachiti hapana zvaanokwanisa kuita," vadaro Muzvare Gweshengwe.

Mashoko aMuzvare Gweshengwe anotsigirwa naAmai Nasper Manyau, avo vakaremarawo zvekare.

"Panotaurwa mashoko ekudzikisirana pasi. Vamwe vanobvunza kuti akachidirei chirema, vamwe vakati chirema chanhingi mambochiona chaendepi? Kunyanya ukazoita pamuviri vanobvunza kuti munhu uyu haanzwe tsitsi here, nekuti vanofunga kuti munhu akaremara haaiti zvebonde," vadaro Muzvare Muanyau.

Mutungamiri wesangano revakaremara reNational Council of Disabled Persons of Zimbabwe, Amai Farai Cherera, vanoti dambudziko rekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhukadzi vakaremara rakakura zvikuru.

Amai Cherera vanoti hurumende inofanirwa kutungamirira mukutsvaga nzira yekupedza matambudziko anosangana nevakaremara.

"Dai vanhu ivava vapihwa mukana wekubuda pachena vachizvitaurira pamwe nekudzidziswa nzira dzekuzvidzivirira, vasatye kuburitsa nyaya idzi pajekerere," vadaro Amai Cherera.

Gurukota rinoona nezvemagariro akanaka evanhu, Muzvinafundo Paul Mavhima, vanoti pane mutemo wakanangana nekuchengetedza kodzero dzevakaremara uri kuvandudzwa.

"Zvinoitika kuvanhu vasingabate vakaremara zvakanaka. Vanobata chibharo, vanovakanganisa nenzira dzasiyana siyana dzakafanana nekutuka, kushungurudza nemashoko, zvese izvozvo zvinofanira kuti zvibude zvakakwana mumutemo iwoyo," vadaro VaMavhima.

VaMavhima vanoti bazi ravo rakaparura chirongwa chekudzidzisa veruzhinji mumadhorobha nemumaruwa pamusoro pekodzero dzevakaremara seimwe nzira yekuderedza dambudziko remhirizhonga radai kutekeshera pasi rese.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG