Accessibility links

Penjeni Yavo Yonetsa Kuwana

  • Taurai Shava

Some of the pensioners seen Tuesday in Bulawayo. (Photo: Taurai Shava)

Apo dambudziko rekushaikwa kwemari riri kuramba richikura munyika, vamwe vari pamudyandigere vanoti dambudziko iri riri kunyanya kuvabata zvakanyanya.

Vanhu ava vanotiwo dai hurumende yakasika kuvawedzere mari yavanowana pamwedzi sezvayakavimbisa uyewo kuti vabvunidzwe kutora mari yavo yose kumabhangi.

Itarisiro yemunhu wese anenge ashanda kwemakore kwehupenyu hwake hwose kuti achave nemudyandigere wakanaka pasina zvakawanda zvinonetsa.

Asi kune vakawanda vari pamudyandigere, munyika aya anongove maroto.

Munguva pfupi yapfuura Studio7 yakatenderera muguta reBulawayo ikataura nevamwe vari pamudyandigere avo vakati vari kuowna nhamo yavaisafungira kuti vangawona muhupenyu hwavo.

Mumwe wevanhu ava ndevamwe ambuya vakangoda kuziikanwa nezita rekuti Ambuya Dube avo vakati nekuda kwedambudziko rekushaikwa kwemari ivo nevamwe vari pamudyandigere saivo vave kugara vachirara panze pemabhangi nezvitoro kuti vakwanise kuwana mari.

Ambuya Dube vanoti dai hurumende yakasika kuwedzera mari inopiwa vanhu vari pamudyandigere pamwedzi wega wega sezvaive zvataurwa nehurumende pakutanga kwegore.

Vanochema-chemawo kuti madhora gumi nematanhatu anopiwa vanhu vari pamudyandigere imari shoma zvikuru zvekuti hapana zvakawanda zvavanokwanisa kuita nayo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kune veNational Social Security Authority panyaya iyi.

Hurumende yaive yati ichawedzera mari yevari pamuchandigere kusvika pamadhora zana kubva pakutanga kwemwedzi waKurume, uye ikatiwo ine hurongwa hwekuti mari iyi ive yasvitswa pamadhora zana nemakumi mashanu muna Chikumi.

Asi izvi hazvisati zvaitika.

Sangano reConsumer Council of Zimbabwe rinoti pari zvino mhuri yevanhu vatanhatu inoda mari inosvika madhora mazana mashanu nemakumi masere emadhora pamwedzi kuti ikwanise kurararama asi vakawanda munyika havawane mari yakadaro.

Vari pamudyandigere vakawanda vanobatsira kuchengetawo vazukuru vavo kana dzimwe hama izvo zvinoita kuti hupenyu huzonyanya kuvaomera.

Vamwe ambuya vasina kuda kudomwa nezita vakatsinhirawo kuti mari yavari kuwana haivakwanire vakati ishuviro yavo kuti hurumende ibvumidze vari pamudyandigere kuti vakwanise kutora mari yavo yose kamwe chete kumabhanga sezvinoitwa vashandi vehurumende.

Hurumende payakatora danho rekushandisa mari yekunze mugore ra2009, vanhu vakawanda vakarasikirwa nemari dzavo dzemudyandigere uye vamwe vakawanda vange vave pamudyandigere havana kuzowana mari iyi.

Nyanzvi inoshanda nesangano reCentre for Public Engagement, VaButler Tambo, vanobvumirana nemaonero ekuti dambudziko rekushaikwa kwemari munyika riri kunyanya kubata vari pamudyandigere.

Vanotiwo nekuda kwekuti vazhinji vevanhu ava vanhu vakwegura, hurumende inofanirwa kutora matanho akajeka kuitira kuti vanhu ava vawane mari yavanofanirwa kuwana vasinganyanyonetseka.

Mumwewo murume ari pamudyandigere uyo akangazvidoma nezita rekuti Nyoni achigara kuLupane akati dambudziko rekushaikwa kwemari rinosangana nevari pamuchandigere rave kukanganisawo magariro avo mudzimba uye nevavakidzani vavo.

VaNyoni vakchema-chemawo nekwavakati kusabatwa zvakanaka kwavanoitwa nevamwe vemumabhanga kana vemuzvitoro pavanenge vachitsvaga mari.

Zvichakadaro, bhanga guru renyika nezuro rakazivisa kuti hapachina munhu anofanirwa kuwana mari inopfuura madhora makumi maviri kana achinge atenga zvinhu muchitoro sedanho rekuedza kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemari.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG