Accessibility links

Breaking News

ZPP Yokurudzira Hurumende Kuferefeta Masoja Ari Kumbunyikidza Veruzhinji


Muzvare Jestina Mukoko
Muzvare Jestina Mukoko

Sangano reZimbabwe Peace Project, ZPP, rinoti riri kushushikana nekushungurudzwa kuri kuitwa veruzhinji nemauto.

Sangano iri rinoti rakagashira zvichemo zvakawanda kubva kuvanhu zvinosanganisa kurohwa nemasoja, kupunzirwa zvinhu zvakaita se nharembozha uye vamwe vakanetswa vaonekwa vakapfeka hembe ine mufananidzo wavaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

ZPP inoti pakutyorwa kwekodzero dzavanhu kwakaitika muna Mbudzi, mauto akatyora zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana uye Zimbabwe Defence Forces inofanirwa kuongorora kuti ndivanani vari kutyora kodzero dzeveruzhinji.

Mukuru weZPP, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti hurumende inofanirwa kuona kuti yaferefeta mauto ari kutyora kodzero dzevanhu.

“Tinotya kuti sekumira kwakaita zvinhu, hapana kwekupotera kana kunomhangara kana mauto akange achirova kana kushungurudza vanhu,” Muzvare Mukoko vanotsanangura.

Muzvare Mukoko vanoti hurumende inofanirwa kuremekedza mitemo yenyika kuburikidza nekuona kuti masoja aremekedza kodzero dzevanhu.

Hurukuro naMuzvare Jestina Mukoko
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG