Accessibility links

Breaking News

Pastor T Freddy Vanoburitswa Muhusungwa Vasina Kubvisa Mari yeChibatiso


FILE - A pair of handcuffs and a key.
FILE - A pair of handcuffs and a key.

Mufundisi wesvondo yeGoodness and Mercy Ministries, VaTapiwa Freddy, avo vanozivikanwa zvikuru nezita rekuti Pastor T Freddy vasungwa nhasi vakamiswa pamberi pedare ramejasitiriti muHarare vachipomerwa mhosva yekubata mumwe mutori wenhau weZBC chibharo.

Pastor Freddy vasungwa nemapurisa nhasi mangwanani vakamiswa pamberi pedare masikati vachipomerwa mhosva yekubata chibharo mutori wenhau weZBC, Rutendo Makuti, anove nhengo yekereke yavo.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaAnesu Chirenje, vati Pastor Freddy vakabata
mutori wenhau uyu chibharo kakawanda. VaChirenje vati Pastor Freddy
vaigara vakakoka Makuti uyo ane makore makumi matatu nematatu
ekuberekwa kumba kwake vachiti vaida kumunamatira vomumbunyikidza
kuenda pabonde naye.

Muchuchisi atiwo Pastor Freddy vakaendawo kumba kwemumhan’ari kuMt Pleasant Heights muno muHarare kakawanda kwavakamumanikidza kuita zvepabonde.

Zvichakadai, mutongi wedare ramejasitiriti, VaDennis Mangosi, vatura
mutongo wekuti Pastor Freddy vatongwe vachibva zvavo kumba kwavo
vasina kana kobiri remari yechibatiso ravabvisiswa zvichitevera
chikumbiro chaitwa negweta ravo, VaEverson Chatambudza, icho chisina
kupikiswa nemuchuchisi.

Papera kunzwikwa nyaya iyi mudare iyo yatora maminitsi mashomana,
VaChatambudza vati vanga vakabatikana kuti vataure nesu.

Rimwe gweta remuHarare, VaKudzai Kadzere, vati hachisi chinhu chitsva
kuti munhu ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo apiwe mukana
wekutongwa achibva kumba kwake nedare ramejasitiriti.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati zvinoshamisa kuti kuti Pastor Freddy vasungwa nhasi vakamiswa pamberi pedare nhasi asi vamwe vanosungwa vezvematongerwo enyika kana kurwira kodzero dzevanhu vachiita nguva yakareba vari muhusungwa.

Pastor Freddy vanzi nemutongi wedare vagodzoka kudare musi wa 8 mwedzi unouya apo nyaya yavo yakatarisirwa kuenderera mberi mudare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG