Accessibility links

Breaking News

Pastor Mawarire Votarisirwa Kumiswa Pamberi peMatare neMusi weChina


Pastor Evan Mawarire vakasungwa nemusi weChitatu vachipomerwa mhosva yekukurudzira vanhu kuti varatidzire.

Pastor Evan Mawarire, avo vakasungwa muHarare neChitatu, vari kutarisirwa kumira pamberi pedare ramejastiriti muHarare vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Asi mutauriri wesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, iro rine magweta ari kumirira Pastor Mawarire, VaKumbirai Mafunda, vanoti mufundisi ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.

Gurukota rinoona nezvevasori VaOwen Ncube vanoti vanhu vanodarika mazana matanhatu vasungwawo nemapurisa kusvika pari zvino, uye mapurisa anoti vanhu vatatu vafa mukuratidzira uku.

Asi sangano reAmnesty International rinoti vanhu vasere vafa, ukuwo sangano reHuman Rights Watch richiti vafa vanosvika vashanu.

VaMafunda vanoti Pastor mawarire vari kumirirwa nemagweta anosanganisira Amai Beatrice Mtetwa, VaDouglas Coltart, naVaTonderai Bhatasara.

Vanotiwo magweta esangano ravo ari kumirira vanhu vakawanda chose vakasungwa mumaguta akasiyanasiyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG