Paita mheremhere pamahofisi ekwa Registrar-General panotorerwa mapasipoti muChinhoyi nhasi apo vanhu vakawandisa vavasundana kuti vaforere magwaro ekufambisa aya.
Kusundana kwevanhu uku pamwe nekupomerwa huwori kwevashandi vepamahofisi aya kwasimudza gurukota redunhu reMashonaland West, Amai Mary Mliswa-Chikoka, avo vabva vasvikoita musangano wechimbichimbi nevashandi vekwaRegistrar-General ava mangwanani akare.
Amai Mliswa-Chikoka vaudza vatori venhau kuti huwandu hwevanhu vauya nhasi hwakonzerwawo nemashoko ari kutenderera pamadandemutande ekuti mari yekutora pasipoti iri kukwira kubva svondo rinouya neMuvhuro.
Vanoti pane vanhu vakawanda vari kudawo magwaro ekufambisa asiri mapasipoti anonzi maEmegency Travel Document – kana kuti ETD, uye vamwe vari kuda kuwedzera mari dzavakabhadhara kutora mapasipoti kuti akurumidze kubuda kana kuti top-up.
Panyaya yehuwori yanzi yatekeshera pamahofisi aya, Amai Mliswa-Chikoka vanoti vataura nezvayo vakayambira vashandi kuti vasiyane netsika yehuwori vachiti vachaongorora nyaya iyi.
Vakafanobata chigaro chemukuru wepamahofisi aya, Muzvare Emily Zinyemba, varamba kutaura nevatori venhau vachiti havabvumidzwe nemutemo webasa vakati titaure namabharani mukuru wehurumende VaClemence Masango, avo vanga vasingadavire nharembozha yavo.
VaJim Shoko, avo vabva kuChegutu, vanoti vave nemazuva matatu vachirara pamahofisi emapasipoti apa asi vachitadza kutora garwo rekufambisa iri nekuda kwehuwori hwavanoti huri kusanganisira vashandi nemapurisa epamahofisi aya.
Vazhinji vataura neStudio 7 vanoti vari kuda kutora mapasipoti kuti vaende kunotsvaka mafuro manyoro kune dzimwe nyika sezvo hupenyu hwaoma munyika.
Hurumende yakazivisa kuti ichakwidza mari dzekutora mapasipoti asi hapana kuzivisa kuti ichakwidza riini uye kuti nemarii.
Pari zvino pasipoti yemutengo wepasi iri kuita madhora makumi mashanu nematatu emari yemunyika, uye inotora mwedzi mitanhatu kuti ibude, asi inobuda nezuva rimwe chete ichiita madhora mazana matatu negumi nemasere.
Facebook Forum