Accessibility links

Breaking News

Vanoda Kutora Magwaro Avo kwaRegistrar General Vonetsekana


Tobaiwa Mudede
Tobaiwa Mudede

Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti havasi kufara nedanho riri kutorwa nebazi rekwaRegistrar General rekuramba kubhadhara nemakadhi kana vanhu vachida kutora magwaro avo kumahofisi aya.

Vagari ava vanoti vashandi vekumahofisi anotorwa magwaro ekufambisa, zvitupa pamwe nemagwaro ekuberekwa, vari kuramba kuti munhu abhadhare achishandisa kadhi risiri rake kana rehama yake.

Vashandi vekumahofisi anotorwa magwaro ekufambisa ava vari kuti kana munhu asina mari haafanirwe kushandise kadhi remumwe munhu waasina zita rechipiri rakafanana naye.

Danho iri rashorwa nevagari vakawanda vachiti zvinoshamisa kuti hurumende, iyo iri kukurudzira kuti vanhu vashandise makandi, ndiyozve yotuma vashandi vayo kuti varambe kubhadharisa nemakadhi.

Mumwe wevarambirwa kushandisa kadhi apo vanga vachida kubhadharira mwana wehanzvadzi yavo, ndiVaGladman Ndemera.

VaNdemera vanoti vanoona kuramba kubhadhara nekadhi sedanho revashandi vehurumende rekuda kuti ivo vozoshandisa makadhi avo kutora mari inenge yabhadharwa nevanhu.

Mumwe mugari wekuKanyaga, kuMakonde, Amai Rudo Kamudyariwa, vanoti vashamisika apo varambirwa kushandisa kadhi remurume wavo kutoresa munin’ina wavo gwaro rekufambisa.

VaNdemera vanoti kushandisa kadhi remumwe munhu kubhadhara hazvina basa sezvo mari ichienda kumwe chete.

VaNdemera vanoti mabazi ehurumende anofanirwa kutorwa semuenzaniso uye vanopiwa mari nebhangi guru renyika kana paine zvavanenge vachida kutenga kunze kwenyika.

Mukuru pamahofisi ekwaRegistrar General muChinhoyi, VaKelvin Maturi, vabvuma kuti havasi kubvumira kuti vanhu vashandisirane makadhi pakubhadhara senzira yekuderedza chitsotsi chiri kuitika pahofisi pavo nekuda kwekushayikwa kwemari munyika.

VaMaturi vabvumawo kuti vanonyatsoongorora kuti vanhu vari kuda kushandisirana kadhi ndeve hukama here kana kuti kwete.

Asi pavabvunzwa kuti mutemo wehurumende here kana kuti vari kutevedzera zvinyorwa zvebazi ravo VaMaturi vadzambadzamba vachiti havazive sezvo vari kutevedzera zvavakanzi vaite nevakuru vavo kuHarare.

Gwaro rekufambisa rinobhadharwa madhora makumi mashanu nemadhora matatu uye munhu ave kumiririra mavhiki matanhatu kuti ribude.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuna Registrar-General, VaTobaiwa Mudede, panyaya iyi.

Vanhu vari kutadza kuwana mari dzavo kumabhangi sezvo mabhangi ari kuti haana mari yekupa vanhu munyika.

Vakawanda vari kurara mumitsetse yemabhangi asi nguva dzakawanda vari kungoshaya mari.

Mabhangi akawanda ave kupa vanhu madhora makumi maviri emadhora kuvanhu vashoma vasingadarike makumi mashanu pazuva.

Nekuda kwedambudziko rekushayikwa kwemari munyika hurumende iri kukurudzira kuti vanhu vashandise makadhi kubhadhara zvinhu zvavanenge vatenga kana zvavanenge vaitirwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG