Accessibility links

Breaking News

Kupasiswa kweBhiri reKuvandudza Bumbiro reMitemo Kwokonzera Mutauro


Nyaya yekuvandudzwa kwebumbiro remitemo neparamende iri kusimudza mutauro vamwe vachiti zvaifanirwa kuitwa neveruzhinji.
Nyaya yekuvandudzwa kwebumbiro remitemo neparamende iri kusimudza mutauro vamwe vachiti zvaifanirwa kuitwa neveruzhinji.

Kupasiswa kwebhiri rekuvandudza bumbiro remitemo, kana kuti Constitutional Amendment Bill Number 2, kwakaitwa nedare reseneti svondo rino kwasimudza mutauro mukuru munyika veruzhinji vachipesana pamaonero avo nezvinorehwa nedanho iri.

Vari kutsigira danho iri vari kuti uyu ndiwo mucherechedzo wekuti seneti neparamende zvinonzwa zvido zvevanhu zvichizvizadzisa, sezvo kuvandudzwa kwebumbiro kuchaita kuti huwandu hwemadzimai muparamende huwedzerwe, vechidiki vave nehumiriri pamwewo nezvimwe zvakawanda zvichavandudzwa zvavanoti zvichanakira veruzhinji.

Vanhu ava vari kutiwo nhengo dzebato reMDC-T dzakatsigira hurongwa uhwu dzakaratidza zvinofanirwa kuitwa muparamende chaizvo zvekuti chakanaka chinotsigirwa, kwete kungopikisa chose chaturwa nevebato ramunopikisana naro.

Asi vari kushoropodza chiitiko ichi vari kuti uku ndiko kuurayiwa kwehutongo hwegutsaruzhinji sezvo zvido zveveruzhinji zvakaratidzwa kuburikidza nekuumbwa kwebumbiro remitemo idzva muna 2013, zvave kuraswa nevanhu vashomashoma vavakasarudza kuvamirira muparamende.

Vanopikisa ava vari kuti hazvina zvazvinobatsira kuwedzera zvigaro muparamende asi vadare vacho vasina masimba ekushandura zvinhu sezvo masimba ose ari mumaoko emutungamiri wenyika.

Nhengo dzesenti makumi matanhatu neshanu dzinobva kuZanu PF neMDC-T dzakatsigira bhiri iri, dzimwe nhengo gumi dzikaripikisa.

Ukuwo, nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanotiwo iro bumbiro riri kuvandudzwa iri harina zvakare kunge rabva kuvanhu muna 2013, vachiti rakaumbwa neZanu PF neMDC vari voga.

Asi imwe nyanzvi yezvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti nhengo dzeparamende dzinomirira veruzhinji nekudaro dzakapasisa bhiri iri dzakamirira zvino zvematunhu adzo.

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG