Accessibility links

Breaking News

Mapato Onyunyuta neNguva Shoma Ichaongororwa Gwaro reVavhoti


ZEC Meets Political Parties

Mapato ezvematongerwo enyika aratidza kusafara kukomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, nenguva shoma yakatarwa nekomisheni iyi kuti veruzhinji vakwanise kutarisa mazita avo mugwaro revavhoti.

Mapato aya aratidzawo kusafara nekusabuda pachena kuri kuitwa nekomisheni iyi pakutenga kwairi kuita bepa richashandiswa pakuvota musarudzo dzegore rino.

Vachitaura pamusangano waitwa pakati pemapato ezvematongerwo neZEC, vamiriri vemapato aya varatidza kushushikana zvikuru nemazuva gumi nerimwe chete akatarwa neZEC kuti veruzhinji vakwanise kutarisa kuti mazita avo arimo here mugwaro revavhoti kana kuti kwete.

Munyori mukuru muMDCT inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaDouglas Mwonzora, vati veruzhinji vanofanira kupihwa nguva yakakodzera kuti vatarise mazita avo mugwaro revavhoti idzva riri kugadzirwa neZEC.

Izvi zvatsinhirwawo nemunyori anoona nezvemitemo muZanu PF, VaPaul Mangwana.

Sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba, vati komisheni yavo yanga ichida chaizvo kuti ipe veruzhinji nguva yakakwana yekutarisa mazita avo mugwaro revavhoti iri asi vakatorerwa nguva yakawanda nenyaya dzanga dziri mumatare uko kwavakaendeswa nemakambani akange anzi aone nezvekutengwa kwemapepa anoshandiswa kuvhota.

Vati nguva yasara yave shoma kuti sarudzo dziitwe dzavati dzinofanirwa kuitwa pachitevedzwa mutemo.

VaMwonzora varatidzwo kushushikana nekusabuda pachena kwavanoti kuri kuitwa neZEC panyaya dzekutengwa kuri kuitwa bepa richashandiswa pakuvhota.

Vamwe vanga vari pamusangano uyu vatiwo gwaro revavhoti rinofanira kugadzirwa muno uye kuti veruzhinji vashandisa zvinyoreso zvajairwa kushandiswa neveruzhinji sezvo vachiti havavimbe nemapepa anoshandiswa pakuvhoteswa anobva kunze aya ayo avanoti anogona kushandiswa kubirira musarudzo.

Asi Amai Chigumba vati mapepa ekuvhotesa mapepa anogadzirwa nehunyanzvi hwakakomba hunotarisirwa kuti hunogutsa zvinotarisirwa pose panoitwa sarudzo.

Panyaya yezuva resarudzo Amai Chigumba vati zuva resarudzo richaziviswa nemutungamiri wenyika kana gwaro revavhoti rapera kugadzirwa vachiti zvose izvi zvinofanira kuitwa pachitevedzerwawo bumbiro remitemo yenyika.

Pasi rose rakatarisa kuti rione mafambiro achaitwa sarudzo dzemuZimbabwe vsezvo dziri kuitwa kekutanga vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiri kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG