Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende yeMitemo Inorasisa Vanhu muBulawayo


Bulawayo Residents
Bulawayo Residents

Vamwe vanhu vari kuchema-chema kuti komiti yeparamende inoona nezvemitemo yavashaisa mukana wekupa maonero avo pamusoro pemitemo miviri iri kuda kugadziriswa, inoti Electoral Amendment Bill pamwe neInsolvency Bill.

Vamwe vagari wemuBulawayo vanoti vafambira dhongi rakawora apo vasvika paCity Hall vachifunga kuti vachapinda mumusangano wekuti vape mafungiro avo kukomiti yeparamende inoona nezvemitemo pamusoro pekuvandudzwa kwemitemo yeElectoral Amendment Bill ne Insolvency Bill.

Musangano uyu waive washambadzwa uchinzi uchaitwa musi wa4 Zvita asi vanhu vazoudzwa kunzi musangano uyu wakatoitwa neSvondo.

Mumwe wevasvika paCity Hall, ndemumwe mugari angozvidoma nezita rekuti Michael uyo ati arwadziwa zvikuru nekuti haana kuwana mukana wekupa pfungwa dzake.

Mukuru wesangano re#This Constitution, Our Constitution, Muzvare Abigale Mupambi, vati kuvandudzwa kwemutemo une chekuita nesarudzo kwakakosha zvikuru zvekuti veparamende vangadai vakanyatsozivisa vanhu zvizere kuti musangano uyu uchaitwa riinhi.

Mutauriri webato reZAPU, VaIphithule Maphosa, vashorawo zvakaitwa nevekomiti yezvemitemo vakati vanovimba kuti vachapa vanhu vose munyika mukana wekupa pfungwa dzavo sezvinofanirwa kuitwa kuchitevedzerwa bumbiro remitemo yenyika.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kune munyori weparamende, VaKennedy Chokuda, panyaya iyi.

Mune imwewo nyaya, chikamu chechina chinove chekupedzisira muchirongwa chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota chatanga nhasi munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika.

Kusvika pakapera chikamu chechitatu musi wa1 Zvita Bulawayo ndiro dunhu richine vanhu vashoma vanyoresa munyika mose.

Dunhu iri rine vanhu zviuru zana nemakumi matatu nezvinomwe vanyoresa kusvika pari zvino uye vanhu ava zvikamu makumi matatu nezvitatu kubva muzana pane vanhu vanotarisira kunyoresa mudunhu iri.

Mukuru weZimbabwe Electoral Commission, Amai Sithokozile Khupe, vaudza Studio7 parunhare kuti pakutanga kwechikamu chechina nhasi vange vachinyoresawo vanhu vanonzi muChirungu ma aliens avo vaive vanzi havakwanise kuti vanyorese kuti vagovhota.

Amai Khupe vati vanotarisira kuti izvi zvichabatsirawo kusimudzira huwandu hwevanhu vachanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Zvichakadaro mutauriri weboka revechidiki mubato reMDC T, VaBrian Dube, vati bato ravo rinoramba richikurudzira vanhu munyika, kunyanya vechidiki kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota vachitiwo vanhu vanofanirwa kushandisa mukana wemutongo wekuti ma aliens vava kubvumidzwawo kuti vanyorese.

Chikamu chekupedzisira kuti vanhu vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota chinopera musi wa19 Zvita 2017.

Mukuru anoona nezvesarudzo muZEC, VaUtoile Silaigwana, vaudza Studio 7 kuti havakwanise kutaura kuti mazuva echirongwa chekunyoreswa kwevanhu achawedzerwa here kana kuti kwete.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG