Accessibility links

Breaking News

Paramende Inoziviswa Zviri Pamutemo Dambudziko reCyclone Idai


Chipinge
Chipinge

Hurumende inoti nyaya huru nhasi yakurukurwa nezvayo ndeye dutumupengo Cyclone Idai iro rakasiya raparadza hupenyu, zvivakwa pamwe nemigwagwa.

Gurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, vati rubatsiro kunzvimbo dzakarohwa nedutumupengo reCyclone Idai rwuri kunonoka kusvika nekuda kwekuti nzvimbo dzakanyanyokanganiswa nedutumupengo iri, hadzisi kusvikika.

VaMoyo vatiwo neMuvhuro vakakwanisa kuviga mitumbi makumi mana nemishanu kuChimanimani East vachiti kwanga kusisina pekuchengetera zvitunha nekuda kwekusavepo kwemagetsi.

Asi VaMoyo varamba mashoko ekuti hurumende yanga ichiviga mitumbi yakawanda muguva rimwe chete vachiti vakawana vakabatsira kuchera makuva evanhu vavakaviga. Vatsanangurawo kuti mai vamwechete ndivo vakavigwa pamwechete nemwana wavo.

VaMoyo vati vaudzawo dare remakurukota ehurumende kuti vatambira mashoko ekuti pane mitumbi iri kuerera munzizi kusanganisira kunyika yeMozambique inofungidzirwa kuti vanhu vakayeredzwa kunzvimbo dzakadai seCopa munyika muno.

VaMoyo vati kunyange hazvo pari zvino vanhu makumi mapfumbamwe nevasere vari ivo vari kuzivikanwa kuti vakashaya nekuda kwedutumupengo iri, vati huwandu hwevakashaya huri kuramba huchichinja uye pane vanhu vakawanda kupfuura apa vakarasikirwa nehupenyu.

Vatiwo kunzvimbo dzisiri kusvikika masoja ari kufamba netsoka vachiendesa rubatsiro.

VaMoyo vati pamusoro pemari yakabva kuhurumende, makambani akazvimiririra ari kubatsira zvakanyanya akabatana nehurumende. VaMoyo vatiwo nekuda kwekuti dutumupengo iri rave kufamba richienda kunyika yekuMalawi, vanhu vari kunzvimbo dzakaita seMutoko vanofanirwa kungwarira.

Vatiwo nyaya yemvura yekunwa inofanirwa kugadziriswa nechimbichimbi senzira yekudzivirira zvirwere kunzvimbo dzakakanganiswa nedutumupengo iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG