Kukundwa kwechikwata chenyika chemutambo wenhabvu, Zimbabwe Warriors, kumakwikwi eAfrica Cup of Nations, kwakonzera mutauro mukuro muparamende, vamwe vachiti vatambi vechikwata ichi vakandwe mumabharaki emauto.
Nhengo yeZanu PF, VaOliver Mandipaka, avo vanomirira Zanu PF muparamende, vati chikwata chema Warriors chakarwadza nyika nekutadza kwachakaita kuenderera mberi kumakwikwi eAfcon 2017.
Ukuwo mumiriri weHarare East, VaTerence Mukupe, uye vari nhengo yeZanu PF, vashamisa paramende apo vakumbira hurumende kuti irange vakomana vebhora nekuvavharira muchitokokisi chemasoja mushure mekunge vabudiswa mumakwikwi ari kuitirwa kuGabon.
"Taifunga kuti mushure mekuvapa yakanaka, vaifanirwa kutamba zvaitarisirwa zvekuti vakunde. Sevanhu vari kurwadziwa, tiri kuti sehurumende haigoni here kuvaranga sezvinoitwa kune dzimwe nyika kana vatambi vachinge vanyadzisa nyika," vadaro VaMukupe.
Imwe nhengo yeZanu PF inomirira Buhera South, VaJoseph Chinotimba, vatiwo maWarriors akapihwa $85,000 pamunhu kuitira kuti vanotamba zvinodadisa kuGabon. Vati vanofanirwa kudzosa imwe mari yacho.
"Iri kupi mari yacho? Vanofanirwa kuidzora," vadaro VaChinotimba.
Asi gurukota rezvemitambo, VaMakhosini Hlongwani, vati izvi hazvisi kuzoitika sezvo zvisiri pamutemo.
VaHlongwani vakumbira ruregerero kunyika yese nekutadza kwakaita maWarriors vakati vave kutogadzirira makwikwi eAfcon anotevera.
"Senyika, hatina mutemo wekuchengetedza vatambi venhabvu mumabharaki emauto," VaHlonwani vaudza paramende.
Asi vamwewo vakaita saVaInnocent Gonese veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vati hurumende yakaratidza rusarura nekupa maWarriors mari yakawanda chose apo vakaenda kuAfcon asi ikanyima kana kupa timu yema Mighty Warriors, iyo yakapihwa mari shoma apo yakaenda kuAfcon yemadzimai pamwe nekuenda kuRio Olympics.
MaWarriors akaita mangange neAlgeria mumutambo wekutanga 2-2, ikarohwa neSenegal 2-0, uye mumutambo wekupedzisira ikarohwa neTunisia 4-2.
Zimbabwe yakapedzisira iri pachinzvimbo chepasi iine chibodzwa chimwe chete.