Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu PF Dzinoti Hadzisi Kutambira Motokari dzeParamende Pari Zvino


Vamiriri veparamende vanonzi vari kuda zvikakarara zvemotokari.
Vamiriri veparamende vanonzi vari kuda zvikakarara zvemotokari.

Bato riri kutonga reZanu PF rinoti nhengo dzaro dzeparamende hadzisi kuda kumhanyirira kuwana motokari dzekufamba nadzo sevadare veparamende nekuti kune zvinhu zvakawanda munyika zviri kuda mari nekugadziriswa nechimbichimbi.

Mukokeri wenhengo dzeZanu PF muparamende, uye vari mumiriri weGutu South mudare reparamende, VaPupurai Togarepi, vanoti hurumende iri kuda kuisa maziso nezvikwanisiro kune dzimwe nyaya dziri kunetsa vana veZimbabwe, kwete kutanga nezvido zvavo sezvo ivo vari vashandi vevanhu.

Vanoti kana zvinhu zvagadzikana, vachazoita hurongwa hwekuti vawane motokari dzekushandisa, asi pari zvino vanoti vanoda kumborwisana nemamiriro akaita zvinhu munyika ayo ava bvuma kuti zvinhu zvakaita manyama amire nerongo.

VaTogarepi vanoti vari kunoita hurukuro nevamwe vavo veMDC vari mudare reparamende kuti vabatane mukumbomira kutsvaga motokari idzi, kunyange vachifanirwa kudziwana.

Studio 7 yakundikana kubata mukokeri wenhengo dzeMDC muparamende, uye vachimirira Chikanga-Dangamvura, VaProsper Mutseyami kuti tinzwe kuti nhengo dzavo dzinotambira here hurongwa hweZanu PF uhwu.

Vamiriri veparamende vanonzi vari kuda zvikakarara zvemotokari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG