Paramende yadoma nhengo dzekomiti yayo yepamusoro yeStanding Rules and Orders Committeee iyo iezere nenhengo dzeZanu PF.
Nhengo dzekomiti iyi dzinoti mukuru webasa rehurumende muparamende, zvakare vari gurukota rezvemutemo neparamende, VaZiyambi Ziyambi; gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri Kashiri; gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, VaPupurayi Togarepi, VaSidney Sekeramayi, Amai Tambudzni Mohadi, VaMathew Nyashanu, Amai Mariana Chombo, Amai Tsitsi Muzenda, VaRoy Bhila, Sikelela Gumbo naAmai Spiwe Mukunyaidze kubva kuZanu PF.
Nhengo dzeMDC mukomiti iyi, ndiVaMorgan Komichi, VaInnocent Gonese, VaProsper Mutseyami naMuzvare Tabitha Khumalo.
Pasi pebumbiro remitemo, mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, ndivo sachigaro wekomiti, vachitevedzerwa nemutungamiri weSenate, Amai Edna Madzomwe.
Vatevedzeri vevaviri ava vanoti Amai Tsitsi Gezi naVaMike Nyambuya inhengowo dzekomiti iyi.
VaMudenda vati komiti iyi ichaita musangano wayo wekutanga nemusi weChishanu uye komiti iyi inotairisirwa kudoma nhengo dzichange dzichapinda mune mamwe makomoti achange achiongorora mapazi ehurumende.
Zvichakadai, nhengo dzeMDC dzinoti hadzisi kuzotaura pamusoro pemosheni yekutenda mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nekuvhura kwavakaita paramende.
Mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri weMDC, VaKomichi, vati kutaura pamosheni iyi kuremekedza VaMnangagwa pamwe nekubvuma kuti vakakunda zviri pachena.
VaKomichi vaudza Studio7 kuti vacharamba varimo muparamande uye vachaunza mamosheni mamwe pamwe nekutaura mune dzimwe nyaya dzakakosha kuvana veZimbabwe.
Vati mangwana chaiwo vachatura mamosheni anobata zvinonetsa vanhu munyika zvakaita sekushaikwa kwemari.
Sachigaro wesangano revatori venhau dzemuparamende, reZimbabwe Parliamentary Journalists Forum, Muzvare Vernaranda Langa, vaudza Studio7 kuti semaonero esangano ravo, zvakakosha kuti nhengo dzese dzeparamende dzipenengure mashoko emutungamiriri wenyika.
Mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya,vanoti kunyange zvakakosha hazvo kuti nhengo dzeMDC dzitore matanho adzinoda kuti dziwane zvadzinoda panyaya dzemotongerwe enyika, kusataura kwadzo pamosheni yekuremekedza mutungamiri wenyika hakuna zvakunonyanyobatsira.
Doctor Ruhanya vati MDC ine nhengo shoma dzisingakwanise kukanganisa Zanu PF kuita zvainoda muparamende.
Facebook Forum