Accessibility links

Breaking News

Paramende Inoudzwa Kuti Hapana Mutemo Unosungira Vabereki Kutenga Maunifomu Muzvikoro


Des enfants zimbabwéens sont assis dans une salle de classe dans une école de Norton, à 55 km à l’ouest de Harare, le 28 janvier 2009
Des enfants zimbabwéens sont assis dans une salle de classe dans une école de Norton, à 55 km à l’ouest de Harare, le 28 janvier 2009

Hurumende inoti zviri kunze kwemutemo kukwidza mari yechikoro nezvikamu zvinodarika makumi maviri kubva muzana pamwe nekumanikidza vabereki kutenga maunifomu pachikoro ichiti vabereki vakasunguka kutenga muzvitoro zvavanoda kana kuzvisonera maunifomu vega.

Izvi zvaviswa nevakafanobata chinzvimbo chegurukota rezvedzidzo yepasi, Muzvare Kirsty Coventry, mumashoko avo kuNational Assembly, vachipa zvikonzero zvekuti sei zvimwe zvikoro munyika zviri kufoira zvakanyanya zvokutoshaya kana mwana mumwe zvake anopasa.

Muzvare Coventry vati pane zvikonzero zvakawanda zvinonoita kuti vana vafoire zvakaiat sekushomeka kwevarairidzi, kushomekwa kwemabhuku, nekudhura kwemari yechikoro.

Vati mari yechikoro iri kudhura zvakanyanyisa zvekuti vabereki vakawanda havakwanisi kubhadhara mari iyi.

Muzvare Covenrty vati hakuna chikoro chinofanira kukwidza mari iyi nezvikamu zvinodarika makumi maviri kubva muzana.

Vati mari inokwira kudarika apa inenge yave kuda mvumo kubva kubazi ravo.

Vatiwo zvikoro zvizhinji munyika zviri kumanikidza vabereki kutenga maunifomu anodhura zvakanyanya muzvikoro uye izvi hazvibvumidzwe.

Vatiwo vabereki vakasununguka kutenga maunifomu kwavanoda kana kuzvisonera.

Muzvare Coventry vazivisa kuti bazi ravo rinoda kupinza varairidzi zviuru gumi nezvishanu kuti vana vawane varairidzi vakwana muzvikoro.

Vati vakapihwa mvumo yekupinza basa varairidzi zviuru zvishanu gore rinouya vachiti izvi hazvikwanisi kupedza dambudziko rekushomeka kwevarairidzi muzvikoro.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepasi, Amai Priscillar Misihairabwi-Mushonga, vaudza Studio 7 kuti vabereki vanobvumirana kukwidza mari dzechikoro mumasangano avo emaSchool Development Association asi vozofamba vachichema chema kuti mari yechikoro yadhura.

Vati nekuda kwekuti nyaya iyi inogara ichitaurwa nezvayo asi zvikoro zvisingaterere, paramende yaita chisungo chekuti bazi redzidzo yepasi richaburitsa gwaro rinotaura zvese zvinodiwa richapihwawo kunhengo dzeparamende kuti dzibatsire kuona kuti mutemo watevedzwa.

Nhengo dzeparamende dzaratidzawo kusafara nekushomeka kwevarairidzi pamwe nekuti zvikoro zviri kufoira zvakanyanya zviri kumaruwa nematunhu ekuMatabeleland uye kuti varairidzi vanonzi vandoshandira kune nzvimbo dzine mutauro yavasingagone kutaura.

Zvimwe zvisinawo kufadza nhengo dzeparamende inyaya yekuti varairidzi vari kupihwa mihoro iri pasi pasi pamwe nekuti vadzidzi havana dzimba dzekudzidzira dzakakodzera zvekuti vamwe vanodzidzira mudzimba dzekugadzirira fodya.

Muzvare Coventry vati vachapa zvichemo zvose izvi kugurukota rezvedzidzo yepasi, VaCain Mathema, avo vange vasipo sezvo ivo nemutevedzeri wavo, vatove pazororo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG