Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeParamende Dzashanyira Chukurubi Dzinonzwa nezveKushomeka kweMishonga neChikafu


Jeri reChikurubi Maximum Security riri kunze kweguta reHarare.
Jeri reChikurubi Maximum Security riri kunze kweguta reHarare.

Vakuru vemajeri kuZimbabwe Prisons and Correctional Services vaudza nhengo dzeparande dzashanyira jeri reChikurubi Maximum Security Prison kuti kuwandisa kwevanhu mujeri iri kwave kukonzera kushomeka kwemishonga, chikafu hembe nezvimwe zvinoita kuti vasungwa vararame zvakanaka.

Ukuwo dzimwe nhengo dzeparamende dzati vasungwa vanofanira kupihwa makondomu senzira yekudzivirira kupararira kweHIV mumajeri.

Vachitaura kunhengo dzeparamende kubva kumakomiti mana eparamende ashanyanyira jeri iri achida kuona magarariro nehutano hwevasungwa, mukuru wemajeri mudunhu reHarare Metropolitan, VaAlford Gapare, vati Chikurubi Maximum Prison ine vasungwa zviuru zviviri nemazana mashanu nevasere asi iyo ichifanirwa kuve nevasungwa chiuru chimwe nemazana matatu nemakumi matanhatu chete.

Vati izvi ndizvo zviri kukonzera kushaikwa kwemishonga, chikafu, machira ekufuka, hembe nezvimwe.

Vatiwo kunyange hazvo jeri iri riine zvipatara, harina motokari yekutakurisa varwere kuvaendesa kune zvimwe zvipatara zvakaita seParirenyatwa General Hospital.

Vamwe vasungwa vatsinhira mashoko aya vachiti chikafu chishoma mujeri iri uye vamwe vavo vanonwa mapiritsi anoda kuti vadye chikafu chakawanda.

Mukuru wechipatara chejeri iri, Doctor Blessing Dhoropa, vatiwo kunyange hazvo vaine mapiritsi anoderedza hukasha hweHIV, pane mwamwe mapiritsi anodiwa nevanhu vane HIV ari kushaikwa muchitapara ichi.

Doctor Dhoropa vati chipatara chavo chine vasungwa mazana mashanu negumi nevasere vari kutora maARVs koita makumi maviri nevana vane chirwere cherurindi.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezveHIV, Seneta Morgan Femai veMDC, vati kunyange hazvo chitapara chepaChikurubi chine mapiritsi eHIV, panofanira kutorwa matanho ekuderedza kupararira kwe HIV mumajeri.

Seneta Femai vaudza Studio 7 kuti vanotsigira chirongwa chekuti vasungwa vapihwe makondomu sezvo pane marehwerehwa ekuti vamwe vavo vanoita zvechingochani mujeri.

Vange vakabata chinzvimbo chasachigaro wekomiti inoona nezvehutano, VaDaniel Molokele, vati vasungwa ndevamwe vevanhu vane mukana mukuru wekubatwa neHIV uye sekomiti vachashanda zvakasimba kuona kuti vasungwa vawaniswa mushonga pamwe nekudzivirirwa kubva kuHIV.

Vati nekuda kwaizvozvo vanotsigirawo chirongwa chekuti vasungwa vapihwe makondomu.

Vakafanobata chinzvimbo chemukuru weNational Aids Council, VaRaymond Yekeye, vaudza Studio 7 kuti vari kushanda neveZimbabwe Prisons and Correctional Services mukuona kuti vasungwa vawana zvese zvavanoda mukudzivirira pamwe nekurapa denda iri.

Asi mumwe mumwe mukuru muZimbabwe Prisons Service uyo asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti kupa vasungwa makondomu kunoonekwa sekukurudzira kuti vaite zvepabonde zvinove svingabvumidzwe pamutemo kuti murume arare nemurume kana mukadzi arare nemumwe mukadzi kunyange vari mujeri.

Lesotho ndiyo yega muSADC inopa vasungwa makondomu asi haibvumidze zvechingochani uye vasungwa vanenge vabatwa vachiita izvi vanosungwa.

Zvichakadaro, VaMolokele vaudza Studio 7 kuti vasungwa havafaniri kugara vakamanikidzana uye ivo sekomiti yeparamende vachatora matanho ekuti bhajeti reZimbabwe Prisons and Correctional Services riwedzerwe kuitira kuti vakwanise kuwedzera mipanda yemajeri pamwe nekuvaka mamwe majeri kuitira kuti vasungwa vagare vakasununguka.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG