Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vakawanda Vochema neMari Dzechikoro Dzavanoti Dzakawandisa


Zimbabwean Bond Notes
Zimbabwean Bond Notes

Vamwe vabereki vanoti havasi kufara kuti zvimwe zvikoro zvakakwidza mari dzevana dzechikoro zvave kupa kuti vana vavo vadzingwe panguva iyo vadzidzisi vaswera vachitamba bhora pamahofisi egurukota rezvemari vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro.

Mumwe wevabereki ava, Amai Irene Muzondo vekuArcturus, vaudza Studio7 kuti havasi kufara nekukwidzwa kwakaitwa mari yechikoro panguva iyo hurumende yakati zvikoro zvinofanira kutanga zvakumbira mvumo yekukwidza mari dzechikoro kwairi.

Mumwe mubereki ane mwana anodzidza kuArcturus zvakare, Amai Margaret Muronzi, vanoti vana vavo vari kudzingwa kuzvikoro nepamusana pekukwidzwa kwemari dzechikoro idzi panguva iyo zvakare vadzidzisi vari kuramwa mabasa.

Amai Tecla Bhomba avo vanogara kuChitungwiza vakurudzirawo hurumende kuti ikurumidze kugadzirisa gakava riri pakati payo nevadzidzisi sezvo vachiti vana vari kunyora bvunzo gore rino ndivo vari kunyanyorasikirwa nenguva yekudzidza.

Kunyange hazvo vabereki vari kugunun’una nemamiriro akaita zvinhu muzvikoro, nhengo dzesangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, dzaswera dzichitamba bhora netsoro pamahofisi egurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.

Munyori mukuru muARTUZ, VaRobson Chere, vati vacharamba vari pamahofisi aVaNcube kudzamara bazi remari ranzwa zvichemo zvavo.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vati VaNcube vave kufanira kusiya basa sezvo vatadza kugadzirisa nhuna dzavo sevarairidzi pamwe nevashandi vose vehurumende.

Hatina kukwanisa kutaura naVaNcube pamwe nemunyori mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga ,sezvo nharembozha dzavo dzanga dzisiri kupinda.

Kunyange hazvo vashandi vehurumende, avo vanosanganirawo vana chiremba vari kuramwa mabasa vachiti vanoda kubhadharwa nemari yekunze, hurumende inoti homwe yayo yakabooka.

Zvichakadai, masangano anomirira vashandi vehurumende akatarisirwa kuita musangano nehurumende mangwana kuti vazeye nyaya dzemari yemihoro pasi peNational Joint Negotiating Council, NJNC kunyange hazvo masangano akaita seARTUZ neProgressive Teachers Union of Zimbabwe akazivisa kuti haasi kuzopinda musangano uyu achiti boka reNJNC harisi pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG