Apo nyika iri kugadzirira sarudzo dzichaitwa gore rino, vanhukadzi vakawanda vari kuchema nerekuti havasi kuwaniswa mikana inokodzera kuti vakwikwidze musarudzo nepamusana pezvimhinga mupinyi zvakawanda.
Murwiri wekodzero dzevanhu uye vachitungamira sangano re #This Constitution, Our Constitution, Muzvare Abigail Mupambi, vanoti vanhukadzi vave kushaya mikana yekupinda mune zevmatongerwo enyika nekuda kwezvikonzero zvakasiyanas-siyana.
Muzvare Mupambi vanoti vanhukadzi vari kuodzwa moyo nemabatirwo avanoitwa zvikuru nevanhurume, dzimwe nguva vachishungurudzwa.
Munyori mukuru weboka reWomen’s Committee musangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, Amai Barbara Tanyanyiwa, avo vari kuda kumirira Bulawayo metropolitan mubato reMDC T pasi pechikamu cheProportional Representation, vanotiwo kushaya mari nderimwe rematambudziko akatarisana nevanhukadzi vanenge vachida kupinda mune zvematongerwo enyika.
Muzvare Natasha Karimakwenda, avo vari kuda kukwikwidza pachinzvimbo chehukanzura vakazvimirira vega, vanotiwo vanhukadzi vanopinda mune zvematongerwo enyika vanosangana nezvimhingamupinyi zvakawanda, vachiti vakaona zvakanaka kuti vakwikwidze vakazvimirira vega nekuti mapato akawanda haanyatsotsigira vanhukadzi vanoda kupinda pazvigaro zvakasiyana siyana.
Asi Muzvare Karimakwenda vanoti havawone kuve nemari chiri chinhu chakakosha pakuve mutungamiri mune zvematongerwo enyika.
Mumiriri weHarare West mudare reparamende, Muzvare Jessie Majome, vanoti kunze kwekuvhiringidzwa nenzira dzakasiyana-siyana nevanhurume, rimwe dambudziko revanhukadzi, inyaya yekuvhiringidzana pachavo.
Muzvare Majome vanoti sezvo vanhukadzi vakawanda munyika kupfuura vanhurume, vanofanirwa kushandisa mukana uyu vachitsigirana mukupinzana muzvigaro zvematongerwo enyika.
Gweta rinoshanda nesangano reZimbabwe Women Lawyers Association, Amai Sethule Ncube, vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vapinde muzvinzvimbo zvehutungamiri nekuti ndivo vanonyatsonzwisisa matambudziko akasiyana-siyana avanosangana nawo zuva nezuva.
Amai Ncube vanoti panofanirwa kuve nemitemo yakajeka inotsigira kupinda kwemadzimai muzvinzvimbo zvehutungamiri mune zvematongerwo enyika.
Asi Amai Tanyanyiwa vanoti mitemo inobatsira kusimudzira vanhukadzi yavepo, asi chinodiwa ndechekuti mitemo iyi iwonekwe kuti yanyatsoshanda.
Kune chirevo chekuti ukasimudzira munhukadzi unenge wasimudzira nyika yose.
Madzimai anoti zvakakosha kuti pave nematanho akajeka anobatsira kuti vanhukadzi munyika vapinde muzvinzvimbo zvehutungamiri mune zvematongerwo enyika.
Madzimai akawanda anoti kana izvi zvikasaitwa, kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi munyika kuchangoramba zviri zviroto.
Facebook Forum