Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoyambira Kushambadza Zvichabuda Munzvimbo Dzinovhoterwa


MDC Allaince rally in Sakubva, Mutare
MDC Allaince rally in Sakubva, Mutare

MDC Alliance inoti ichashambadza zvinenge zvichibuda musarudzo panzvimbo dzekuvhotera kuitira kuti sarudzo dzisabiridzirwe.

Vachitaura vari muSakubva kwaMutare, VaTendai Biti vati vachabudisa zvabuda musarudzo sezvo vachiziva kuti Zimbabwe Electoral Commission, Zec, ichitora nguva kuburitsa zvinenge zvabuda musarudzo.

VaBiti vati vachaita izvi nekuti zvave pachena kuti mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanenge vakunda, nekuti rutsigiro rwavari kuwana, rwakawandisa zvikuru.

VaBiti vati Zec iripo iyi haina kusiyana neZec yaivepo muna 2008, apo vakashambadza zvakanga zvabuda musarudzo vakambosungwa, asi vakazoregedzwa pasina mhosva yavapomerwa.

VaBiti vakurudzira kuti nhengo dzeMDC Alliance dzirambe dziri padzavhotera dzichimirira zvavachabudisa musarudzo idzi apo VaChamisa vanenge vakunda.

Mutungamiriri wevechidiki muMDC-T inotungamirwa naVaChamisa, VaHappymore Chidziva, vayambirawo hurumende yeZanu PF kuti havazi ivo vega vanogona zvemhirizhonga kana vakada kuitanga.

VaChamisa vatora mukana uyu kutsinhira mashoko aVaChidziva vachiti pari zvino nguva yakadarika yekuti vanhu vakabiridzirwa musarudzo, kana kurohwa, vopeta maoko avo vakanyarara.

VaChamisa vaudza vatsigiri vavo kuti hapana chekutya rwendo runo sezvo vakagadzirira zvose zvingade kuitwa neZanu PF neZec pasarudzo dzegore rino.

VaChamisa vati vose vakanyoresa kuzovhota vabude nehuwandu vachinoita basa rekubvisa Zanu PF pahutongi uye nekupedza hurombo munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG