Bato reMDC rinoti kuratidzira kwarakaronga kuti kuitwe neChishanu kuri kuenderera mberi zvisinei nemashoko ari kutenderera ekuti kuratidzira uku kwakanzurwa.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House, mutauriri weMDC, VaFortune Daniel Molokele, vati kuratidzira kwavakaronga sebato kuri kuenderera mberi neChishanu kunyange hazvo pane vari kutenderedza mashoko paWhatsapp, Facebook neTwitter ekuti kuratidzira uku kwakanzurwa.
VaMolokele vati kuratidzira uku kuchaparurwa muHarare neChishanu kozoenda kuBulawayo neMuvhuro, kuGweru nemusi weChipiri, kuKwekwe nemusi weChitatu uye Mutare nemusi weChina.
Vatizve kuratidzira uku hakusi kuzomira kudzamara zvavari kuda sebato zvazadziswa nehurumende. Izvi zvatsinhirwa nemurongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya.
MDC inoti pane runyerekupe rwekuti Zanu PF irikudhinda mbatya dzakafanana nedzinowanzopfekwa nevatsigiri vebato rayo kuti vagozokonzeresa mhirizhonga.
VaChibaya vati vatora matanho akasimba kuti varatidziri vasaite zvemhirizhonga uye vakurudzira vatsigiri vavo kuti vasapfeke mbatya dzebato sezvo vachiti kuratidzira uku ndekwezvizvarwa zvese zveZimbabwe zvakaomerwa nehupenyu parizvino.
Vatiwo kuratidzira uku kuchapera chete kana nyaya yekusamira zvakanaka mune zvehupfumi hwenyika yagadziriswa pamwe nenyaya yegakava rine chekuita nezvakabuda musarudzo dzegore rapera.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti ndivo vakakunda musarudzo dzegore rapera kunyange hazvo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission ichiti VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakakunda musarudzo idzi izvo zvakatsinhirwa nedare reConstitutional Court.
Kuratidzira kwakaronga neMDC uku hakusati kwabvumirwa nemapurisa asi MDC inoti yakaita zvese zvinodiwa pasi pebumbiro remitemo yenyika pamwe nemimwe mirawu yemunyika inobata nyaya dzekuratidzira.
Zvichakadaro, nhengo yesangano rinorwira kodzero dzevanhu reCitizens Manifesto, VaTatenda Mombeyarara, vanonzi vakapambwa neChipiri husiku pamba nevanofungidzirwa kuti vakasiya vakandwa kuHatfield mushure mekuzvindikitwa zvakaomarara.
Mashoko aburitswa nesangano iri anoti VaMombeyarara vaendeswa kuchipatara sezvo vakakuvara zvakaipisisa.
Sangano iri ratiwo VaMombeyarara vaibvunzurudzwa nevakavapamba nezvekuratidzira kurikuda kuitwa neMDC uku.
Mune imwe nyaya yakadai, sachigaro weMDC kuMufakose, VaBlessing Kanotunga, vanotiwo vakapambwa pamba pavo husiku hwanezuro nevanofungidzirwa kuti vasori vakavazvindikita zvakaomarara vasati vavasiya kuChitungwiza.
VaKanotunga vati kurohwa kwavaitwa kwatovasimbisa kuti vaenderere mberi nekuratidzira.
Vachitaura padandemutande ravo reTwitter, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati havazive kuti ndiyani ari kupamba vanhu nekuvarova asi vakati vari kuita izvi havasi kudivi remutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa sezvo vasingadi mhirizhonga.
Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, vaudza Studio7 parunhare kuti kuratidzira kunobvumirwa nemutemo asi kunofanira kuitwa murunyararo.
Vati mapazi anoona nezvekuchengetedzwa kwemutemo achange achishanda zvakasimba kuona kuti mutemo hausi kutyorwa here uye zvivakwa zve hurumende pamwe nemidziyo yeveruzhinji hazvisi kuputswa. Mapurisa aswera achimisa nekusecha motokari dzose dzange dzichipinda mudhorobha.
Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, kuti tinzwe divi remapurisa pakupambwa nekurohwa zvakaipisisa kwakaitwa vaviri ava, pamire mapurisa nezvekuratidzira kuri kuda kuitwa neMDC uku pamwe nekusechwa kwanga kuchiitwa motokari nemabhazi.
VaNyathi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Facebook Forum