Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC-T Dzorangarira Vamwe Vadzo Vakapondwa Muna 2008


Zimbabwe Group Says Political Violence Back to Levels Seen in Early 2009

Nhengo dzeMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa pamwe nehutungamiri hwebato iri vanoti hurumende inofanira kuongorora nyaya yemhirizhonga yakaitika makore gumi adarika pamberi pesarudzo yechipiri yemutungamiri wenyika ye presidential runoff iyo yakasiya vanhu vakawanda vafa uye vamwe vasisina pokugara.

Vatsigiri veMDC vakaita saVaEnoch Mkudu vanoti mhirizhonga yakaitika iyi ichizere mundangariro dzavo vachiti dai hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ikaona kuti sarudzo dzemwedzi unouya dzaitwa pasina mhirizhonga yakadai iyo yavanoti ichiri kuvabata pamoyo.

Imwe nhengo yeMDC, VaKudakwashe Matibiri, vanoti zvakakosha kuti hurumende yaVaMnangagwa iite hurongwa hwekusangana nevakapona neburi retsono pamhirizhonga iyi.

Mutungamiri weboka reMDCT iri, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo pamwe nevatsigiri vavo vachiri kushushikana nezvakaitika izvi.

Mutauriri waVaChamisa, VaNkululeko Sibanda, vati VaChamisa vachagadzirisa nyaya iyi vachiti VaMnangagwa vazvitadza sezvo vaiva mumwe wevanhu vaiva muhurumende yakakonzera mhirizhonga iyi pasi pehutungamiri hwaVaRobert Mugabe avo vakazobviswa pachigaro nemauto gore rapera.

Mumwe mufundisi wechechi yeApostolic Faith Mission, Mufundisi Rogers Conrad Tekwa, vanoti vedzisvondo vane basa rakakura kwazvo rekubatsirana nehurumende mukuedza kugadzirisa nyaya iyi.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaObert Mpofu, kuti tinzwe pamire hurumende panyaya iyi.

Asi VaMpofu, avo vanove zvakare munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato riri kutonga reZanu PF, vakati sebato pamwe nehurumende vakazvipira kuita sarudzo dzisina mhirizhonga rwendo rwuno.

MDC inoti pane nhengo dzayo dzinodarika mazana maviri dzakapondwa pamberi pesarudzo yechipiri yemutungamiri wenyika yakaitwa muna Chikumi 2008.

Vanhu vazhinzji vakapisirwa misha vamwe vakatiza kwavaigara vachinotsvaga hupoteri kune dzimwe nzvimbo.

Mhirizhonga iyi yakakonzera kuti vaimbova mutungamiri weMDC, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, vabude mumakwikwi esarudzo iyi vachiti zvaisaita kuti vagozotonga makuva izvo zvakazopedzira kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa iyo yakapera muna 2013 pakaitwa dzimwe sarudzo dzinonzi neMDC dzakabirirwa zvemhando yepamusorosoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG