Accessibility links

Breaking News

VaMusendekwa Vovimbisa Hupenyu Hunotapira kuVagari vekuGutu South


MDC Gutu South
MDC Gutu South

Imwe nhengo yeMDC Alliance inoti hupenyu hwevanhu vekumaruwa huchange huchinakidza kana mubatanidzwa wavo ukakunda Zanu PF iyo vanoti ndiyo yakaunza hurombo muvanhu.

Vachitaura pamusangano waitirwa paPengaudzoke muGutu South, vari kumirira MDC Alliance musarudzo yemumiri weGutu South muparamende, VaErium Musendekwa, vati hurumende yaVaNelson Chamisa ichapedza hurombo huri kuvhiringa hupenyu hwevanhu vari kumaruwa.

VaMusendekwa vatiwo Pengaudzoke inzvimbo yakasaririra nepamusana pekuti Zanu PF iri kutadza kuunza budiriro.

VaMusendekwa varatidza kutsutsumwa pamusangano uyu, apo pabuda mashoko ekuti vatsigiri venhengo ichavakwikwidza ye Zanu PF, VaPupurai Togarepi, vaifamba mudzimba dzevanhu vachivatyityidzira kuti vasaende kumusangano weMDC Alliance.

Asi VaMusendekwa vaudza vatsigiri vavo kuti vasatyityidzirwe, uye kuti vamhangare nyaya iyi kuvaongorori vesarudzo ve Eurpean Union vange vari pamusangano uyu.

Mumwe wevapinda mumusangano uyu, VaChristopher Guva, vatiwo vatsigiri veZanu PF vakati vachanyora mazita emunhu wese achaonekwa pamusangano uyu vozorakashwa sezvakamboitika muna 2008.

Studio7 yakundikana kubata VaTogarepi kuti vatipe divi ravo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG