Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzopesana Zvikuru Pamusoro peDanho Rekutora Panovhurwa Paramende?


MDC Alliance2
MDC Alliance2

Pane maonero akasiyana siyana panyaya yekupesana kuri kuitika muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa zvichitevera kudzingwa kwakaitwa nhengo ina dzebato iri muparamende nechikwata chinotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

Zvinonzi dzimwe nhengo dzeparamende dzakasarudzwa dziri muMDC Alliance hadzisi kufara nedanho rakatorwa neNational Standing Committee yebato iri rekuti dzimbomira kuita basa reparamende nepamusana pekudzingwa kwakaitwa nhengo ina dzebato iri muparamende neChipiri svondo rino.

Dzimwe nhengo dzeparamende dzatataura nadzo parunhare idzo dzisina kuda kudomwa nemazita dzati dzakamirira kuona kunowira tsvimbo nedohwe pamusangano wenhengo dzeparamende webato radzo wakatarisira kuitwa svondo rinouya.

Vazhinji vevatataura navo vati hupenyu huchavaomera kana vakarega kuenda kuparamende sezviri kutaurwa nehutungamiri hwebato ravo.

Asi vamwewo vati vakazvipira kuita zvose zvinodiwa nemutungamiri wavo, VaNelson Chamisa.

Munyori anoona nezvinoitika muparamende muMDC Alliance, VaKucaca Phulu, vati titaure nemunyori mukuru mubato iri, VaCharlton Hwende, avo vanoti havasi kuzodzokera kumashure padanho ravakatora vachiti chikuru ndechekuti vachengetedze musangano wavo kubva kuZanu PF iyo yavanoti yapindira mumafambisirwo ari kuitwa zvinhu mubato ravo.

Asi munyori anon nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaObert Mpofu, vakati sebato havanei nekunetsana kuri kuitika muMDC.

Zvichakadai, VaDouglas Mwonzora, avo vave kuzviti munyori mukuru muMDCT zvichitevera mutongo weSupreme Court uyo wakati VaChamisa havana kusarudzwa zviri pamutemo kuti vave mutungamiri webato ravo zvichitevera kufa kwakaita VaMorgan Tsvangirai, vati nhengo dzebato ravo dzinosungirwa kuita basa radzakasarudzirwa.

VaMwonzora vati havasi kuzodzinga dzimwe nhengo dzeparamende paichavhurwa kunze kwekunge nhengo idzi dzatyora mirawu yebato.

Nhengo yeZanu PF inomirira Makonde muparamende, VaKindness Paradza, vati kana nhengo dzeMDC dzikasauya kuparamende kwenguva yakatarwa nemutemo dzinozodzingwa kuparamende uye vati hapana sarudzo dzechipiri dzichaitwa kana kuti ma by-elections.

Nyaya yekudzingwa kwenhengo dzeparamende kana dzarovha yatsinhirwa nerimwe gweta remuHarare, VaKudzayi Kadzere.

Imwe nhengo yeMDC, VaTapera Sengweni, vati nhengo dzeparamende dzebato ravo dzaita sehuswa huri pakati penzou mbiri dziri kurwa asi kuparamende kuriko kwavanowana chouviri.

VaParadza vakurudzira kuti VaChamisa nevamwe vavo vari muMDC kuti vatevedzere zvakataurwa nematare zvekuenda kukongiresi.

Vati kana nhengo dzeMDC dzikarega kuenda kuparamende pamwe nekugara semakomiti eparamende hazvivatadzise kufambisa reparamende seZanu PF.

National Standing Committee yeMDC inotungamirwa naVaChamisa yakati haisi kutambira zvakabuda kumatare uye bato ravo harisi kuzoenda kukongiresi yechimbichimbi ichiti kongiresi iyi yakatodyiwa nenguva uye nhengo dzeparamende hadzichapindi muparamende senzira yekuratidza kusafara nekudzingwa kwakaitwa nhengo dzaro ina muparamende.

Asi Muzvare Khupe nevamwe vavo vanoti kongiresi inotofanirwa kuitwa pasarudzwe mutungamiri mutsva zviri pamutemo sezvakaturwa nematare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG