Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Iri Kushushikana neMhirizhonga Iri Kuitika kuEswatini


MDC Alliance international relations secretary, Gladys Hlatywayo, addressing the media in Harare.

Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubati iri, Muzvare Gladys Hlatywayo, vaudza vatori venhau kuti bato ravo riri kushushikana zvikuru nehudzvanyiriri huri kuitika kuEswatini.

Bato guru rinopikisa munyika, reMDC Alliance, rinoti SADC inofanira kusimbaradza matanho airi kutora ekumisa kusagadzikana kuri kuEswatini.

Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubati iri, Muzvare Gladys Hlatywayo, vaudza vatori venhau kuti bato ravo riri kushushikana zvikuru nehudzvanyiriri huri kuitika kuEswatini.

Vati bato ravo rinotsigira zvikuru veruzhinji vari kuratidzira kunyika iyi vachida hutongo hwejekerere.

Muzvare Hlatywayo vatiwo mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato ravo VaWelshman Ncube vakaita musangano wekupangana mazano nebato rinopikisa kuEswatini rePudemo vakati SADC inofanira kutora matanho ekupedza kusagadzikana kuri kuitika munyika iyi nekukasika.

Vati chikuru chavari kuda kuti mauto adzokere mumabharaki vachiti vanorwadziwa nezviri kuitika kuEswatini nekuti zvakambotikawo muno.

SADC inoti yakatora matanho ekugadzirisa dambudziko iri uye yakatotuma chikwata chinosanganisira makurukota anoona nezvekunze kweSouth Africa, Dr Naled Pandor, negurukota rinoona nezvekunze kweZimbabwe, VaFrederick Shava, kuti vanoyananisa zvikwata zviri kurwisana asi hapana chkabuda.

SADC inoti ichatumwa chimwe chikwata zvekare.

Patavabvunza kuti MDC Alliance yaiswo here zvichemo zvayo kurumende yemuno, Muzvare Hlatywayo vati hapana chazvinobatsira sezvo hurumende dzenyika mbiri idzi dzakafanana.

Hatina kukwanisa kutaura nevebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika kuti tinzwe divi raro panyaya iyi.

Asi mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato riri kutonga reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti bato ravo haripindira munyaya dzinoitika kune dzimwe nyika kana risina kukokwa kuzoita izvi.

VaMugwadi vati MDC Alliance yakasununguka kuita zvainoda vachiti izvi hazvinei nebato ravo.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuEswatini uko vanhu vari kuratidzira vachida shanduko inoita kuti vakakwise kuita sarudzo vachiti vaneta nehutongi hwehumambo hwaMambo Mswati.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG