Mutungamiriri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vachakunda musarudzo yemutungamiri wenyika zvine mutsindo zvekuti sarudzo iyi haisi kuzodzokororwa sezvakaitwa muna 2008.
Vachitaura kumhomho yevanhu vaungana kuMutasa Central, VaChamisa vati vachakunda mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa zvisina ani anopikisa.
VaChamisa vati kana Zimbabwe Electoral Commission ikatadza kuita zviri kudiwa nemapato ezvematongerwo enyika, inofanirwa kusiya basa kuitira kuti basa resarudzo riitwe nevasina kwavakarerekera.
VaChamisa vatora mukana uyu kushoropodza mashandiro eZimbabwe Broadcasting Corporation vachiti vachaiendesa kumatare edzimhosva kuitira kuti isarerekere kuZanu PF
Sachigaro wemadzimai muMDC-T,Amai Lynette Karenyi Kore, vakurudzira nhengo dzeMDC Alliance kuti dzivhote zvinobvisa Zanu PF mumasimba ekutonga.
Sachigaro wevechidiki muMDC-T, VaHappymore Chidziva, vayambimbiravo kuti kana sarudzo dzikabiridzirwa vechidiki vose vacharatidzira zvine mutsindo.
Mumwe wevatsigiri veMDC Alliance, Ambuya Viola Chimburuka, vati vafara nemashoko aturwa naVaChamisa sezvo achipa tarisiro kuvanhu vakawanda vakatarisana nenhamo munyika.
VaChamisa vaita mumwe musangano kuHauna kuMutasa North, uye mangwana vachange vari kuSakubva, ukuwo VaMnangagwa vachange vachisangana nevatendi vekwa Johane Marange kuSt Noah kwaMafararikwa.
Facebook Forum