Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, Votarisirwa Kukunda Musarudzo?


VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vakamirira mapato manomwe.

Sarudzo iyi iri kuonekwa nevakawanda sesarudzo ichanakidza zvikuru.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti VaChamisa vane nhoroondo yehutungamiriri kubvira vari mudzidzi.

VaRuhanya vanoti kuwaniswa kwaVaChamisa zvigaro zvakasiyana siyana mubato reMDC T pamwe nemumubatanidzwa weMDC Alliance kunoratidza kuti vane hutungamiri hwakanaka.

VaRuhanya vanoti nyika zhinji dziri kusarudza vatungamiriri vechidiki.

VaRuhanya vanoti kana kukaitwa sarudzo dzejekerere, vanoona VaChamisa vachikunda musarudzo yemutungamiriri wenyika.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Doctor Bekezela Gumbo, vanoti vanoona VaChamisa vari munhu akanaka kusarudzwa semutungamiri nekuti havana rutsugiro rwemauto semutungamiriri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa.

VaGumbo vanoti kusava nerutsigiro rwemauto zvinoita kuti vanhu vave vakasununguka munyika.

Asiwo VaGumbo vanoti VaChamisa vari kutadza kuumbiridza bato ravo reMDC sezvo vamwe vanhu vaive vari mubato iri vari kupesana naVaChamisa, vamwe vachipinda musarudzo vakazvimirira mushure mekusawirirana nemaitiro aVaChamisa.

Gweta huye vari murwiri wekodzero musangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti VaChamisa vane chaunga chevatsigiri.

Asiwo vanoti dai vari chipangamazano chaVaChamisa, vangadai vakavakurudzira kuenda kunosarudzwa kutungamirira bato kukongiresi pamwe nekuti varemekedze kodzero dzevanhu nekuratidza kuti havadi mhirizhonga.

Nhengo yeparamende yeMutare Central, VaInnocent Gonese, vanova nhengo yeMDC vanotiwo hutungamiri hwaVaChamisa hwakanaka zvikuru sezvo vachida ramangwana renyika rakanaka.

Sangano ravana chipangamazano reAfrobarometer rakaburitsa gwaro mwedzi wapera richiti dai sarudzo dzakaitwa munguva yarakaita tsvakiridzo, VaMnangagwa vangadai vakakunda musarudzo iyi, asi zvisina mutsindo, zvaizoita kuti paitwe imwe sarudzo, kana kuti run off, pakati paVaChamisa naVaMnangagwa.

Asi veruzhinji vanoti zviri pachena kuti sarudzo dzikaitwa nemazvo, VaChamisa vanogona kukunda VaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG