Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Votaura Pamusoro peNhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti sangano renyika dzepasi rose reUnited Nations harifanire kupota richitumira nhumwa dzine kwadzinenge dzakarerekera.

Mashoko aVaChamisa anotevera gwaro rakaburitswa naAmai Alena Douhan avo vakanga vari munyika vachiongorora nyaya dzezvirango pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.

Muhurukuro yavaita neStudio7, VaChamisa vati havasi kufara kuti Amai Douhan vakabauritsa gwaro ravo vasina kusangana nevemasangano akazvimirira akawanda pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika. VaChamisa vati kodzero dzevanhu dziri kuramba dzichityorwa munyika nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa asi izvi hazvisi kunyatsobuda zvine mutsindo mugwaro raAmai Douhan.

Vati kana UN ichituma nhumwa dzayo inofanira kutsvaga vanhu vasina divi ravakarerekera.

MDC Alliance yakatonyorera UN tsamba ichinyunyuta nemabatirwo akaitwa basa naAmai Douhan pakushanya kwavakaita munyika kwemazuva gumi.

Alena Douhan UN
Alena Douhan UN

Asi VaChamisa vati vari kufara kuti Amai Douhan vakasimbaradza nyaya yekuti munyika muitwe nhaurirano dzechokwadi mukuedza kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Asi bato reZanu PF riri kuramba rakatsika madziro richiti nhaurirano dziri kuitwa pasi pegungano rePolitical Actors Dialogue iro rinonzi neMDC Alliance harina zvarinoburitsa sezvo bato iri richiti VaMnangagwa vari kuita nhaurirano neshamwari dzavo.

VaChamisa, avo vapedza svondo rino rese vachisangana nevatsigiri vavo mudunhu reMashonaland West vatiwo havasi kufara nemhirizhonga iri kuitika pamisangano yavari kuita vachiti chiri kuvashamisa ndechekuti VaMnangagwa vari kuramba vakanyarara.

Asi Zanu PF yakaramba ichiti nhengo dzayo hadzisi kuita zvemhirizhonga.

Panyaya yehupfumi hwenyika uhwo hwakanzi naAmai Douhan hwawira pasi zvichikonzerwa nezvirango zvakaiswa nenyika dzekumavirira, VaChamisa vati chikuru chawondomotsa hupfumi inyaya dzehuori..

Hurumende yeAmerica nezuro yakati kusamira zvakanaka kwehupfumi munyika kuri kukonzerwa nekutadza kufambisa basa zvakanaka kwehurumende yaVaMnangagwa kwete nezvirango zvakaiswa neAmerica

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati zvakataurwa naAmai Douhan mugwaro ravo ndizvo zviri kuitika munyika vakati zvirango izvi zvinofanira kubviswa kuitira kuti veruzhinji vawane raramo isina zvipingaidzo.

Amai Douhan vakakurudzirawo nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango kuti dzibvise zvirango izvi, uye vakakurudzirawo Zimbabwe kuti iite nhaurirano nenyika idzi.

Asi nyika idzi, idzo dzinosanganisira America, Australia, Britain, Canada neSwitzerland pamwe nenyika dziri mugungano reEuropean Union, dzinoti Zimbabwe inofanira kugadzirisa nyaya dzehutongi hwejekerere pamwe nekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu dzisati dzabvisa zvirango izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG