Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanochema VaDzamara Vachikurudzira Nhaurirano muZimbabwe


Patson Dzamara Funeral
Patson Dzamara Funeral

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vakurudzira kuti veruzhinji varatidzire munyika yose uye kuti paitwe nhaurirano dzezvematongerwo enyika senzira yekupedza matambudziko akatarisana nenyika.

Vachitaura pavaenda kunobata maoko parufu rwenhengo yekomiti yepamusoro yebato ravo, VaPatson Dzamara, mumusha weGlen View, VaChamisa vati veruzhinji vanofanira kuzvipira kuzvisunungura kubva muhunhapwa hwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa vachiti izvi zvinofanira kuitwa murunyararo.

VaChamisa vati veruzhinji vari kunhonga svosve nemuromo munyika vakati zvave kutoda kuti veruzhinji vagwinye.

VaChamisa vatorawo mukana uyu kukurudzira nhaurirano pakati pavo naVaMnangagwa vachiti ruzhinji rweZimbabwe rwaomerwa nehupenyu zvisinei nekuti munhu anobva kubato reZanu PF here kana kuti kumapato anopikisa.

Hatina kukwanisa kutaura nevakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa, pamwe nemushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, kuti tinzwe divi reZanu PF.

Asi Zanu PF yakaburitsa mashoko kare kuti anenge achida kuita nhaurirano anofanirwa kupinda muhurongwa hwePolitical Actors Dialogue, kana kuti Polad, uhwo hwakaumbwa naVaMnangagwa kuitira kuti mapato apinde munhaurirano.

Asi MDC Alliance haisi mugungano rePolad iri, sezvo ichipikisa kusarudzwa kwaVaMnangagwa semutungamiri wenyika kunyange hazvo dare eConstitutional Court rakatambira kudomwa kwavakaitwa neZimbabwe Electoral Commission semunhu akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2018.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reZimbabwe Institute of Strategic Thinking, VaTinashe Eric Muzamhindo, vati sangano ravo ratotanga kuedza kuti munyika muitwe nhaurirano.

Zvichakadai, VaChamisa vatsanangura VaPatson Dzamara semunhu aishanda zvikuru kuitira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere uye aida mhinduro pakushayikwa kwemukoma wake, Va Itai Dzamara, avo vakapambwa vakatsakatika muna 2015 nevanofungidzirwa kuti vasori.

Ataura akamirira mhuri uye ari muzukuru wemufi, VaPaddy Dzamara, vati mhuri yavo yararsikirwa zvikuru nekushaya kwaVaPatson Dzamara.

VaPatson Dzamara, avo vakashaya neChitatu mangwanani nechirwere che gomarara, kana kuti colon cancer, vakatarisirwa kuvigwa kumusha kwavo kwaMutoko nemusi weChishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG