Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vacharatidzira muHarare svondo rinouya kana vakatadza kuwirirana neZimbabwe Election Commission, Zec, panyaya yekufambiswa kwesarudzo.
Vachitaura munhandare yeNyamhunga muKariba, VaChamisa vati mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnamgagwa, vari kubatsirana nasachigaro weZec, Amai Prisca Chigumba, kubira sarudzo dziri kuitwa mwedzi uno.
VaChamisa vati Zec ikaramba ichiomesa musoro panyaya yekudhindwa kwemapepa ekuvhoteranekwaari kudhindwa, vacharatidzira zvine mutsindo muHarare svondo rinouya.
VaChamisa vati hurumende inenge yatadza inofanirwa kubviswa vachiti ivo vakasurudzwa vakatadza kupa vanhu mabasa mukatimemwedzi mitamhatu mushure mekusarudzwa, vanofanirwa kubviswa pachigaro.
Mumwe mudzimai apinda musangano wanhasi uyo wapindwa nevanhu vanodarika zviuru gumi nezvishanu, Amai Emilda Chingosho, vati vane tarisiro yekuti VaChamisa vachapedza matambudziko mazhinji emadzimai kana vakasarudzwa kuve mutungamiri wemyika.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Amai Chigumba kanawo kuZanu PF pamashoko aVaChamisa.
VaChamisa vari kuenderera mberi vachitsvaga rutsigiro, uye misangano yavo iri kupindwa nezviuru nezviuru zvevanhu vari kuzviendera kumisangano iyi pasina anovamanikidza.
Facebook Forum