Makakatanwa ari muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa asvika pakaipa zvichitevera danho rakatorwa nemusi weChitatu neNational Standing Committee yebato iri, rekudzinga nhengo nhatu dzinoti; VaMorgen Komichi, VaDouglas Mwonzora pamwe naVaElias Mudzuri.
Vatatu ava vari kupomerwa mhosva yekutsigira zviri kuitwa nemutungamiri weimwe MDC, Muzvare Thokozani Khupe, avo vakadzi nedare reSupreme Court, ndivo vanofanirwa kufanotungamira bato reMDC zvichitevera kushaya kwakaita mutungamiri waro, VaMorgan Richard Tsvangirai muna Kukadzi 2018.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaKomichi naVaMudzuri.
Komiti yepamusoro soro yehutungamiri hweMDC yazivisa zvakare kuti nhengo dzose dzeparamende dzebato iri dzinofanira kumbomira kuita basa reparamende senzira yekuratidza kusafara kwebato iri nekudzingwa kwakaitwa dzimwe nhengo ina dzebato pazvigaro zvadzo muparamende.
Vakadzingwa mudare reNational Assembly vanoti; Muzvare Thabitha Khumalo, VaProsper Mutseyami naVaChalton Hwende, ukuwo kudare reSenate kukadzingwa Amai Lilian Timveos.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato iri neChina mangwanani, mutevedzeri wasachigaro weMDC, uye vari nhengo yeNational Standing Committee, VaJob Sikhala, vati komiti yavo yakabuda nechisungo chekuti nhengo dzavo dzeparamende dzimbomira kuita basa reparamende sezvo Zanu PF yave kupindira munyaya dzemubato ravo.
Asi vari kuzviiti munyori mukuru muMDC-T zvichitevera mutongo wedare reSupreme Court, VaDouglas Mwonzora, vati zviri kutaurwa izvi ndezvemugotsi matsuro.
VaSikhala vatiwo VaMwonzora, VaMudzuri naVaKomichi vakazvidzinga mubato ravo nekutsigira kwavakaita mutongo weSupreme Court uyo wakati VaNelson Chamisa havana kusarudzwa zviri pamutemo weMDC kuti vatungamiri bato iri, uye Muzvare Khupe ndivo vanofanirwa kubata matomu kudzamara kwaitwa kongiresi yechimbi chimbi.
Mutongo uyu wakatiwo makongiresi maviri akaitwa naMuzvare Khupe kuBulawayo muna 2018, pamwe neyakaitwa naVaChamisa gore iroro zvakare, akange asiri pamutemo nekuti haana kutevedza bumbiro remitemo yebato.
Asi VaMwonzora vati danho rakatorwa neNational Standing Committee iri harina zvarinoreva sezvo komiti iyi isiri pamutemo.
VaMwonzora vati zviri kutaurwa kunzi ivo nevamwe vavo vave kudyidzana neZanu PF hazvina musoro sezvo vachiti ivo vari kutevedzera zvakaturwa nedare uye nezviri mubumbiro rebato ravo.
Munyori anoona nezvemabasa muZanu PF, VaObert Mpofu, vakaudzawo vatori venhau kuti sebato havanei nezviri kuitika muMDC.
Izvi zvakatsinhirwawo nemushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaConrad Gweru, vanoti chichanetsa padanho ratorwa neMDC yaVaChamisa ndechekuti nhengo zhinji dzeparamende dzine zvikwereti zvakawanda zvedzimotokari uye vati vazhinji vavo vanorarama nemari inobva kuparamende.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dziri kuyambira kuti nyaya iyi inofanirwa kugadziriswa zvine hungwaru mukati nokuti nhengo dzeMDC yaVaChamisa dzikasaenda kuparamende kwemazuva akatarwa nemitemo inobata paramende, dzinodzingwa muparamende zviri pamutemo.
Facebook Forum