Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, Vanoti Ndivo Vakakunda Musarudzo yeMutungamiri weNyika

Opposition Movement for Democratic Change (MDC) leader Nelson Chamisa addresses a media conference following the announcement of election results in Harare, Zimbabwe, Aug. 3, 2018.
Opposition Movement for Democratic Change (MDC) leader Nelson Chamisa addresses a media conference following the announcement of election results in Harare, Zimbabwe, Aug. 3, 2018.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vati vakakunda musarudzo zvine mutsindo musarudzo yemutungamiri wenyika, kwete zvakabuditswa neZimbabwe Electoral Commission, Zec, zvekuti mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakakunda.

VaChamisa vatiwo vane humbowo hwekuti ivo ndivo vakasarudzwa semutungamiri wenyika nemusi weMuvhuro.

Vati vachatora matanho ose anokodzera kuitira kuti nyaya yavo igadziriswe.

Asi VaChamisa vati havasi kuzobudisa humbowo hwese hwavanahwo, sezvo vari kunetsana nevanhu vanozivikanwa nekubiridzira sarudzo.

Asi vati kubva muhumbowo hwavainahwo, ivo vakawana mavhoti anosvika zvikamu makumi mashanu nezvitanhatu kubva muzana.

Asi Zev yakati VaMnangagwa vakawana 50.8%, ukuwo VaChamisa vachiwana 44.3%

Asi munyori anowona nezvemitemo muZanu PF, VaPaul Mangwana, vati MDC Alliance yakadyiwa zviri pachena.

Vatiwo VaMnangagwa mbune vari kuzviziva kuti vakakundwa musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vasati vaita musangano wavo nevatori venhau, mapurisa anga akapakatira zvombo amboedza kukanganisa musangano waVaChamisa, nevatori venhau, achiti vatori venhau vabve pahotera yanga ichida kuitirwa musangano.

Mapurisa aya asvika pahotera yeBronte ndokutanga kudzinga vatori venhau vanga vaungana vakamirira VaChamisa.

Asi vakuru-vakuru vebato reMDC-T vanga vachisanganisira mukuru anoona nezvesarudzo mubato iri uye varivo vakasarudzwa kuti vamirire zvakare bato ravo muHarare Central, VaMurisi Zwizwai, vatsika madziro vachiti hakuna kwavanoenda.

Vatori venhau vabva vatora mukana uyu kubvunza mapurisa kuti ange atumwa nani kuzokanganisa musangano uyu pamwe nekutyisidzira vatori venhau, asi anga achiratidza kuti ndiye mukuru anga achitungamira chikwata chemapurisa ichi, ati haakwanise kupa mhinduro.

Mushure memaminitsi anokwana kuita gumi nemashanu, vakafanobata chigaro chegurukota rezvekubuditswa kwemashoko, VaSimon Khaya Moyo, vabva vasvika vakaudza mapurisa kuti vasiye VaChamisa vachiita musangano wavo nevatori venhau.

Pavazotanga musangano wavo, VaChamisa vashorawo zvaitwa nemapurisa izvi vachiti zvinovashamisa kuti VaMnangagwa vangashandisa chisimba chakadai sei kana ivo vakakunda musarudzo

Izvi zvatsinhirwa nemubati wehomwe muMDC-T, Amai Theresa Makone, avo vati mapurisa aya anga atumwa kuzovhiringa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati zviri kuitwa nemapurisa izvi kutyora dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG