Mapato anopikisa hurumende pamwe neveruzhinji vashora mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nekuenda kumusangano weUnited Nations uri kutarisa zvinoitika mumakungwa.
Musangano uyu uri kuitirwa kuNew York muAmerica.
Veruzhinji vanoti uku kutambisa mari yenyika panguva iyo nyika yakatarisana nematambudziko akakura kwazvo.
Veruzhinji vataura neStudio7 vati havasi kufara nerwendo rwaVaMugabe urwu vachiti zvinorwadza mutungamiri wenyika ari kushandisa mari yakawanda achiita nzendo dzisina chadzinobatsira nacho nyika.
Mumwe ane pfungwa dzakadai ndiVaFrancis Machimbidzofa vanogara mumusha weHatfield avo vati rwendo rwaVaMugabe urwu rwunovarwadza nekuti mutungamiri wenyika ari kushandisa mari yenyika yakawanda panguva iyo hurumende iri kutadza kubhadhara vashandi vayo nenguva pamwe nekuvapa mihoro yakakondzera.
Zvataurwa naVaMachimbidzofa zvatsinhirwa naMuzvare Rutendo Chademana avo vanorarama nekutengesa mumigwagwa iri pakati pedhorobha reHarare.
Muzvare Chademana vati rwendo rwaVaMugabe urwu rwakafanana nerwemuvhimi anoenda kunovhima mhuka yaasingadye.
VaAlbert Chidhakwa avo vanogara muBelgravia muHarare vatiwo chinonyanyorwadza ndechekuti VaMugabe vanoshandisa mazakwatira emari yenyika pazvinhu zvisina maturo panguva iyo veruzhinji vachishaya mari mumabhanga.
Mapato anopikisa hurumende akaita seMDC-T asvorawo rwendo rwaVaMugabe achiti dai hurumende yaikoshesa raramo yeveruzhinji, VaMugabe vangadai vachirega kuenda kunzendo zhinji votumira nhume kumisangano yakadai kuitira kuti vachengetedze mari yenyika.
Mutauriri weMDCT, VaObert Gutu, vati kunyange hazvo misangano yeUnited Nations yakakosha, musangano wezvinoitika mumakungwa uyu hauna chaunobatsira Zimbabwe nacho sezvo Zimbabwe iri nyika isiri pedyo negungwa.
VaGutu vati hapana chikonzero chekuti VaMugabe vaende kumusangano uyu nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, avo vanozikanwa nembiri yekutenga zvinhu zvinodhura pose pavanoenda kunze kwenyika. VaGutu vati VaMugabe vave munhu ave kutonga nyika ari mundege sezvo vachigara vachiita nzendo dzisingapere.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaChris Mushohwe, kuti tinzwe kuti musangano uyu wakakoshera chii kuZimbabwe.
Asi mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, avo vatatadza kutaura navo zvakare, vakabuda mumapepanhau masvondo mashoma adarika vachiti kuswerombeya nepasi rose kunoitwa naVaMugabe kunoratidza kuti vane hutano hwakanaka kunyange hazvo vachigara vakaenda kunorapwa kuSingapore.
VaMugabe vakaperekedzwa kumusangano weku New York uyu nemudzimai wavo, gurukota rinoona nezvinotika kunze kwenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, pamwe negurukota rinoona nezvemvura pamwe nemamiriro ekunze, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, nevamwe vakuru-vakuru muhurumende.
Facebook Forum