Accessibility links

Breaking News

Vagari Vofarira Kuvandudzwa kweMabvuku Clinic Kuve Chipatara


Parirenyatwa Hospital
Parirenyatwa Hospital

Kanzuru yeHarare ichishanda nemasangano akazvimiririra yakavandudza kirinika yeMabvuku kuve chipatara izvo zvoyemurwa zvikuru nevagari vekuMabvuku.

Vagari vanoti kuvepo kwechipatara ichi kuri kuvabatsira zvikuru mukuwana kodzero yehutano nemutengo wakaderera.

Chipatara cheMabvuku ichi chave nemishina inoshandiswa kuonekwa zviri mumuviri inosanganisira ma ultra sound scans ne radiological services.

Pachipatara apa pave kuvhiyiwawo kusanganisira madzimai anenge ane pamuviri, kubviswa mazino pamwe nekutorwa maX-Ray.

Kirinika iyi isati yave chipatara, vanhu vaitumirwa kuzvipatara zvakadai seHarare Hospital neParirenyatwa Group of Hospitals.

Amai Sandra Masiyiwa ndeumwe mugari wekuMabvuku. Amai Masiyiwa, avo vanga vachibva kuchipatara cheMabvuku kunorapisa mwana wavo, vanoti kusimudzirwa kwekirinika iyi kuti ive chipatara kwavarerutsira hupenyu sezvo zvobatsira mukurapwa kwavo pachipatara chiri pedyo navo.

Izvi zvatsigirwa naMuzvare Caroline Kazingizi avo vaudza Studio7 kuti kuvapo kwechipatara ichi kwava kuderedza mari yavanoshandisa mukuwana hutano hwakanaka.

Muzvare Kazingizi vanoti munguva shoma yapfuura vaiti vakasangana nematambudziko anoda maX-Ray kana kuvhiyiwa vaitonotsvaka rubatsiro kuzvipatara zvakadai seHarare Hospital neParirenyatwa izvo zvavanoti zvanga zviri kure navo huye pachidawo mari dzekufambisa kuenda kuzvipatara izvi.

Mumwe mugari wekuMabvuku angoda kuzivikanwa nezita rekuti Obiama atiwo kuvapo kwechipatara pedyo navo kunobatsira kuchengetedza hutano hwavo sezvo vamwe vairasikirwa nehupenyu vachiendeswa kunobatsirwa kunezvimwe zvipatara.

Asi VaNdlovu vatiwo chiri kunetsa pachipatara ichi inyaya yechinono, vakati varwere vari kunonoka kubatsirwa.

Mukuru anoona nezvemabasa ehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti kuvapo kwechipatara cheMabvuku kwaderedza zvikuru varwere vanoendeswa kune zvimwe zvipatara.

VaChonzi vati sekanzuru vanofadzwa zvikuru kuti varwere vowana kubatsirwa panzvimbo imwe chete vakatiwo izvi zvinobetsera kuchengetedza hupenyu kunyanya kumadzimai anenge asangana nenjodzi mukusununguka.

Kanzuru yeHarare inoti iri kutarisira kuvandudzawo mamwe emakirinika ayo ari mumusha inogara vazhinji kuti avewo zvipatara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG