Accessibility links

Breaking News

Zvibvumirano zvaVaTsvangirai, Amai Mujuru naVaNcube Zvozeyiwa


Tsvangirai and Welshman Ncube soon after signing Memorandum of Understanding. (Picture: MDC-T)
Tsvangirai and Welshman Ncube soon after signing Memorandum of Understanding. (Picture: MDC-T)

Zvichitevera kunyoreranwa kwakaitwa zvibvumirano zvekushanda pamwe munyaya dzesarudzo kwakaitwa nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, nevakafanobata chigaro chemutungamiri we National People’s Party, Amai Joice Mujuru, pamwe nemutungamiri weimwe MDC, VaWelshman Ncube, vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti vamirira kuona kushanda kwezvibvumirano izvi kana nguva yekutsvaga zvigaro yakwana pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Imwe nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika, VaTakura Zhangazha, vanoti zvibvumirano zvakaitwa izvi zvinoratidza kuti mapato anopikisa anoda kushanda pamwe chete.

Asi VaZhangazha vanoti chakakosha muzvibvumirano kuzoona kuti mapato aya achakwikwidza sei musarudzo dzegore rinouya.

Mashoko aVaZhangazha atsigirwawo nemumwe muoongorori wezvematongerwo enyika, VaBlessing Vava, avo vanoti kubatana uku kucharamba kuriko here panozotanga kutaurwa nyaya yezvigaro musarudzo dza 2018?

Vachitsanangura pamusoro pedanho rakatorwa nemutungamiri wavo, munyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati zvibvumirano zvavakaita izvi zvinovapa hwaro hwekuita nhaurirano nemamwe mapato anopikisa kuti vazeye mashandiro avachada kuita pamwe chete.

VaMwonzora vatsanangurawo kuti mukushanda kwavachaita semapato anopikisa, mapato ese acharamba achishandisa mazita awo, asi vachiita chirwirangwe kuti vabvise bato reZanu PF pakutungamirira hurumende.

Vakawanda vanoti hazvina kunyatsojeka kuti zvibvumirano izvi zvinoreveyi, uye zvichafambiswa seyi sezvo veruzhinji vasati vaona zviri muzvibvumirano zvakanyoreranwa mumazuva maviri apfuura.

Dzimwe nyanzvi dzinoti panogona kunetsa mangwana mamwe mapato achiti anoda kuti zvinzvimbo zvigoveranwe zvakaenzana, zvisineyi kuti anenge aine vanhu vashoma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG