Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voita Chipatapata muHarare Vachitenga Zvinhu Muzvitoro


Zimbabwe Tumbling Economy
Zimbabwe Tumbling Economy

Vamwe vagari vemuHarare vanonzi vatanga kutenga zvokudya nehuwandu senzira yekugadzirira kuti vagare vaine chokudya kana chirwere che Covid-19 kana kuti Coronavirus chikapinda munyika.

Vamwe vatengi vataura neStudio7 muHarare vati kupararira kuri kuita chirwere cheCoronavirus pasi rose kwave kuvapa kuti vagare vakatenga chikafu chakawanda kuitira kuti vasazoenda kuzvitoro kwavanogona kunosangana nevanogona kunge vane chirwere kana chikazopinda munyika.

Izvi zvinoteverawo mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemusi weChipirti pavakakurudzira kuti pasawanikwe pane vanhu vanodarika zana vanenge vachiungana vachiti izvi zvinowedzera mukana wekutapuriranwa kwechirwere cheCoronavirus kunyange hazvo hurumende ichiti chirwere ichi hachisati chapinda munyika.

Mumwe wevanhu vaswera vachitenga chikafu chokuisa mudzimba ndiAmai Lenita Kadehere vanogara mumusha weAvondale avo vati vaswera vachitenga chikafu chisingakurumidze kuora kuitira kuti vagozowana chekudya panguva inogona kunge chirwere cheCoronavirus chapinda munyika.

Kunyange hazvo vamwe vakaita saAmai Kadehere vatanga kutenga zvinhu nehuwandu, vamwe vatengi vakaita saMuzvare Patricia Murahwa, avo vati vanogara mumusha weMufakose vati vane chido chekugara vakatenga chikafu kuti chigarire mumba kuitira nguva ichazenge yorambidzwa vanhu kufamba-famba kana chirwere cheCoronavirus chikapinda munyika asi homwe yavo yakabooka zvekuti vave kungoti chero zvazvaita bhurugwa rebenzi.

Vamwewo vatengi vakaita saVaTinos Manjengwa vanogara mumusha weGreendale vati vatenderera zvitoro zvakawanda vachitsvaga mishonga inoshandiswa pakugeza maoko kuti agare akatsvinda kana kuti ma sanitizer asi anga asiri kuwanikwa muzvitoro zvizhinji.

Vamwe vatengi vakaita saVaTendai Saunyama vaudza Studio7 kuti kune zvimwe zvitoro zvichiri kuwanikwa ma sanitizer aya, asi kuchidiwa mari yekunze yavanoti iri kuvanetsa kuwana.

Gurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, vaudza Studio7 parunhare kuti veruzhinji vanofanira kugara vachigeza maoko avo uye vanokwanisa kushandisa sipo kuti vagare vakashambidzika uye vasagare vachibata kumeso nemaoko ane tsvina seimwe yenzira dzekuderedza mukana wekubatira chirwere cheCoronavirus.

VaMoyo vati chirwere ichi hachisati chave munyika asi sehurumende vakagadzirira zvakasimba kurwisana nechirwere ichi kana chikapinda munyika.

Asi vakambove gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vatiwo dambudziko rekushayikwa kwema sanitizer muzvitoro rinosiya veruzhinji vari panjodzi.

VaMadzorera vati izvi zvinoratidzawo kuti hurumende haina kugadzirira zvakakwana kurwisana nechirwere che Covid-19.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvekutengeserana, Amai Sekai Nzenza, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya yekutenga zvinhu nehuwandu kwave kuitwa nevamwe vatengi.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour, Economic Development and Research Insitute of Zimbabwe, VaPropser Chitambara, vati kumhanyidzana kuri kuita vanhu kutenga zvinhu muzvitoro kunogona kukonzera kushayikwa kwezvinhu muzvitoro zvizhinji.

Kunyange hazvo hurumende ichiti chirwere ichi hachisati chapinda munyika, pane vanhu vakati kuti vakambofungidzirwa kuti vane chirwere ichi vakazowanikwa vasina mushure mekuongororwa.

Sangano reWorld Health Organization rinoti chirwere che novel Coronavirus, icho chakatangira muguta reWuhan kuChina, chauraya vanhu vanodarika zviuru zvisere munyika dzakasiyana-siyana uye vanhu vabatwa chirwere ichi vanodarika zviuru mazana maviri pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG