Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reWorld Press Freedom Day


reporters without borders RSF press freedom 2017
reporters without borders RSF press freedom 2017

Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva re World Press Freedom Day hurumende ichiti ine chido chekusunungura masaisai nekupa marezinhesi kunhepfenyuro dzenharaunda asi vemasangano enhau vanoti uku kutaura chete sezvo hurumende isina zvayaita kuratidza chido ichi.

Vachitaura pamhemberero dzezuva revatori venhau, vakasanobata chigaro chegurukota rezvekubudiswa kwemashoko, VaSimon Khaya Moyo, vati hurumende inoda zvakanyanya kupa nhepfenyuro dzenharaunda marezinhesi kuitira kuti veruzhinji vagare vaine ruzivo.

VaMoyo vatiwo zvakakosha kuti Zimbabwe Broadcasting Corporation isaramba iri yega munyika ine rezinhesi yeterevhizheini kuitira kuti vanhu vanzwe nhau dzakasiyana-siyana.

VaMoyo vakurudzirawo vatori venhau kuti vasaite zvematongerwo enyika, uye vaburitse nhau dzechokwadi dzisina kubato rezvematongerwo enyika adzakarerekera.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa kuZimbabwe Association of Community Radio Stations, VaKudzai Kwangwari, vati muromo hauzarirwi nerwizi nekudaro vachazotendeseka kuti hurumende ine chido chekufambisa mashoko zvakasununguka kana yaita zvairi kutaura.

Asiwo mumwe mutori wenhau, Kelvin Jakachira, ati anovimba kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ichasunungura kufambiswa kwemashoko akati chaasina idi nacho ndechekuti zvichaitwa nemazvo here.

Masangano anorwira kodzero dzekufambiswa kwemashoko anogaro gunun’una nekushaikwa kwenhepfenyuro dzemunharaunda, kupihwa kwemarezinhesi enhepfenyurokune vakarerekera kubato reZanu PF chete, uye kuve neterevhishini imwe chete.

Vatori venhau munyika vanochemachemawo nemitemo yavanoti inovadzvinyirira nekuvatadzisa kushanda zvakasununguka.

Zuva reWorld Press Freedom Day rinocherechedzwa musi wa3 Chivabvu pasi rese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG