Accessibility links

Breaking News

Sangano reVagari muGweru Ronyunyuta neMashandiro eKomisheni yaVaKasukuwere


VaSaviour Kasukuwere
VaSaviour Kasukuwere

Sachigaro wesangano reGweru Residents and Ratepayers Association VaCornelius Selipiwe vanoti kunyange hazvo vaifunga kuti kumbomiswa kwakaitwa makanzura eguta iri basa, pamwe nekusarudzwa kwakaitwa komishoni iri kufanofambisa basa rekanzuru kuchaita kuti mabasa ekanzuru afambiswe nemazvo, vave kuona izvi zvisiri kuitika.

Makanzura gumi nemasere muGweru akambomiswa basa muna Nyamavhuvhu wegore rapera vachipomerwa nyaya yekutadza kuita mabasa avo nemazvo uye huwori.

Pamakanzura aya, pane makanzura matatu akatodzingwa basa zvachose. Muna Nyamavhuvhu mekare gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere vakasarudza komisheni yevanhu vatatu kuti ifanofambisa basa rekanzuru uye komisheni iyi ichiripo pari zvino.

Svondo rakapera komisheni iyi, iyo inotungamirwa naVaTsunga Mhangami, avo vakambove munyori wekanzuru yeguta reMasvingo, yakambomisa munyori wekanzuru VaDaniel Matawu basa ichivapomerawo mhosva yekutadza kuita basa nemazvo.

VaSelipiwe vanoti nyaya yekumbomiswa basa kwemakanzura yatora nguva yakareba isina kugadziriswa uye shuviro yavo ndeyekuti ipetwe nekukasika.

“Ministry tinoitenda nekuti inoratidza kuti ine hany’a nevagari avo vanenge vashanda zvakaomarara kuti vawane mari yavanobhadhara mitero kukanzuru mari yacho yozoshandiswa zvisiri izvo.

Vanoenderera mberi vachiti, "Asi chakaipa ndechekuti vanhu voramba vakangomiswa basa zvichinzi nyaya dzavo dziri kuongororwa dzichiongororwa zvisingaperi.Kana zvanzi vanhu vari kufungidzirwa kuti vakaba, ngazviongororwe zvopera zvoonekwa kuti vakaba ndevapi, vasina ndevapi. Vakaba vanofanirwa kudzingwa, vasina vodzokera pabasa.”

VaSelipiwe vanoti vaifunga kuti komisheni ichakwanisa kugadzirisa zvimwe zvaitadzwa nemakanzura akamiswa basa asi vanoti ivo nevamwe vagari havasi kufara zvachose nekuti komisheni yacho inenge iri kungodyawo mari yevagari pasina chinoonekwa chairi kuita. “Tiri kuona sekuti komisheni iyi yarasa gwara uye haichaziva zvayave kuita. Tiri kuona sekuti izvozvo zvataifungidzira kuti ndizvo zvaiitwa nemakanzura ndizvo zvave kuitwawo nekomisheni iyi. Vave kunakirwa nekudya mari uye vasingazive kuti iyo service delivery yavakavinga inombofamba sei.”

Vashandi vekanzuru vanochemawo nerekuti komisheni yeguta reGweru haizi kukwanisa kugadzirisa nyaya yemihoro. Mumwe mushandi asina kuda kudomwa nezita sezvo achityira basa rake anoti vashandi havazi kufara nekuti vakapedzisra kuwana mari yemuhoro munaZvita uye vane mari yemihoro yemwedzi mishanu yavasati vapiwa kusvika pari zvino asi komisheni inoti haina mari yacho yekugadzirisa chikwereti ichi.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaMhangami kana dzimwe nhengo dzekomisheni panyaya iyi.

Pavakamiswa basa gore rapera, makanzura eguta reGweru gumi nemumwe kusanganisira meya VaHamutendi Kombayi, vakaenda kudare repamusoro vachipikisa kumbomiswa basa uku pamwe nekusarudzwa kwekomisheni.

Dare iri rakapa mutongo wekuti kumbomiswa basa kwavaive vaitwa uku kwaisave pamutemo uye pasi pebumbiro idzva remitemo wenyika, gurukota rezvematunhu raisave nesimba rekusarudza komisheni iyi sezvarakaita

Asi VaKasukuwere vakataurira rimwe bepanhau rehurumende kuti vakapikisawo mutongo uyu.

Rimwe gweta risina kuda kutaura pamhepo rinoti zviri pachena kuti panyaya yemuguta reGweru, VaKasukuwere havazi kutevedzera mutemo wenyika.

Gweta iri rinotiwo VaKasukuwere vanenge vari kutora mukana wekusavepo kwemutemo wezvematunhu unoenderana nebumbiro idzva remitemo yenyika kuti vaite madiro aJojina. Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaKasukuwere panyaya iyi.

VaDidymus Dewa mudzidzisi weDevelopment Studies neZimbabwe Open University variwo mugari wemuGweru. Vachitaura semuongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira ega VaDewa vanoti zvakanaka kugadzirisa nyaya dzehuwori mumakanzuru emunyika.

Asi VaDewa vanoti hurumende yeZanu PF ine tsika yekupinza zvematongerwo enyika munyaya dzemakanzuru ichidzinga makanzura emapato anopikisa yobva yasarudza vanhu vanotsigira bato iri kuti vatungamire maguta aya.

VaDewa vanotiwo zvakakosha kuti mapato ose ezvematongerwo enyika asarudze vanhu vanoziva zvavanoita kuti vave makanzura kuitira kuti mafambisirwo emabasa mumaguta munyika aitwe nemazvo.

“Ndinoona sekuti ruoko rwepolitics rwuri kupinda apa nekuti vanhu vakasarudzwa kuve maCommissioner inhengo dzeZanu PF. Dai vange vachiita basa ravo zvakanaka hatainyanyoshushikana hedu kuti vanhu ava inhengo dzeZanu PF."

Vanoenderera mberi vachiti, "Asi chokwadi chiripo ndechekuti havana zvavatipa zvine musoro. Saka isusu tiri kuti, kuti nyaya iyi igadziriswe, mutemo wezvekutongwa kwematunhu ngaugadziriswe. Zvakare tinotarisira kuti mapato ezvematongerwo enyika kana tave kuita maelections, ngavarege kupa mbavha nevamwe vanhu vane mbiri yekurova vanhu mukana wekuve makanzura –nguva iyoyo yakapera. Tinodavo vanhu vanoziva zvavanoita, vanhu vane zvinhu zvavo vasingazofunge zvekubira veruzhinji.”

Kakawanda bazi rezvematunhu richibvisa makanzura anenge asarudzwa nevanhu richiisa makomisheni mumaguta akasiyana-siyana munyika.

Svondo rapera VaKasukuwere vakapa yambiro kukanzuru yeguta reMutare vachiti ongororo yakaitwa yairatidza kuti mabasa ekanzuru haazi kufambiswa zvakanaka muguta iri.

Vamwe vanoti kupindira mumakanzuru emumaguta, inzira yehurumende yeZanu PF yekuda kubvisa masimba ebato reMDC-T iyo inove ndiyo ine makanzura akwanda mumaguta.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG