Accessibility links

Breaking News

Vanamukoti muZvipatara zveHurumende Vanokanda Mapadza Pasi


Vanamukoti vachitaura nevatori venhau
Vanamukoti vachitaura nevatori venhau

Vanamukoti muzvipatara zvehurumende munyika vatanga kuramwa mabasa nhasi vachiti hurumende haina kuchengetedza chivimbo chayaive yaita chekuvawedzera mari dzavo dzemihoro.

Ongororo yaitwa neStudio 7 pazvipatara zvikuru zviviri zvemuBulawayo zvinoti Mpilo Central Hospital neUnited Bulawayo Hospitals, yaratidza kuti vanamukoti vakawanda vange vasiri pabasa pachingove neavo vachiri kudzidzira kuve vanamukoti pamwe navanachiremba.

Pakati pemwedzi wapfuura vana mukoti vanodarika zviuru gumi nezvitanhatu munyika mose vakakanda mapadza pasi panguva iyo vanachiremba vaivewo pakati pekuramwa mabasa.

Vakazomira kuramwa mabasa uku mushure memazuva mashoma-shoma apo hurumende yaive yavimbisa kuti yaizogadzirisa zvichemo zvavo mwedzi uno.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo vaudza Studio 7 parunhare kuti vana mukoti havazi kuenda kumabasa nekuti hurumende haina kuchengetedza chivimbiso chayo kwavari vachitiwo vacharamba vachiramwa mabasa kusvika izvi zvagadziriswa.


Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvehutano Dr David Parirenyatwa panyaya iyi.

Asi vanoziva zviri kuitika vanoti hurumende nevanomirira vanamukoti vakasangana nezuro hurumende yakavimbisa kuti ichapa vanamukoti ava mari dzekubatsirika nemusi wa19 Kubvumbi, unove musi weChina svondo rino.

Asi vanachiremba ava vanonzi karamba kutambira vimbiso iyi, vachitivanoda kutanga vadya chakata vozoti votenda maruva. Zvinonzi nhaurirano dzekuti vanamukoti vadzokere kumabasa dziri kuenderera mberi.

Vamwe vanhu vataura neStudio 7 vati kuramwa mabasa kwaana mukoti kunoisa hupenyu hwevarwere munjodzi.

Vamwe amai vange vauya nemwana wavo kuti azoitwa operation paMpilo, avo vasina kuda kudomwa nezita, vanoti vadzokera kumba nekuti vanamukoti vange vasiri pabasa.

Mumwe mugari wemuBulawayo angozvidoma nezita rekuti Amai Chidaunga ati ange achingotenderedzwa kunzvimbo dzakasiyana siyana nemwana wake ari kunzwa gumbo sezvo vanamukoti vange vasiri pabasa.

Vana mukoti vari kuda kuti mari dzavanotambira dziwedzerwe, uye mashandiro avo agadziriswe kuitira kuti vashande zvine chiremera, pamwe nekuti muzvipatara muve nemishonga uye zvikwanisiro zvinoita kuti vashande nemazvo.

Pave nenguva vana mukoti vachiramwa mabasa asi hurumende inogarochema nerekuti haina mari. Nerimwewo divi vamwe vanoti hurumende ine mari asi inotadza nekusakoshesa nyaya dzezvehutano nedzidzo munyika.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG