Accessibility links

Breaking News

Vakoti Vanodzokera kuBasa Mushure Mekuramwa kweMwedzi Inodarika Mitatu


Zimbabwe nurses and doctors on Sept. 16, 2019 in Harare, near President Emmerson Mnangagwa’s offices chanting songs. (C. Mavhunga/VOA)
Zimbabwe nurses and doctors on Sept. 16, 2019 in Harare, near President Emmerson Mnangagwa’s offices chanting songs. (C. Mavhunga/VOA)

Vakoti vanoti vari kudzokera kubasa mushure memwedzi inodarika mitatu vachiramwa mabasa kunyange hazvo zvichemo zvavo zvisati zvagadziriswa.

Sangano rinomirira vakoti reZimbabwe Nurses Association, Zina, rinoti nhengo dzaro dzadzokera kubasa zvisinei nekuti zvavaive vamboramwira mabasa zvinosanganisira mari yemihoro nekushaya zvekushandisa zvakakwana hazvisati zvagadziriswa.

Mutungamiriri weZina, VaEnoch Dongo, vati kudzokera kwavo kubasa kunotevera chikumbiro chakaitwa negurukota rezvehutano uye vari mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaConstantino Chiwenga, chekuti vambovapa mukana wekuedza kugadzirisa matambudziko ari muzvipatara.

VaDongo vatiwo pamusangano wavakaita, VaChiwenga vakabvuma kuti zvinhu zvanga zvisina kumirira zvakanaka kuvashandi vezvehutano.

VaDongo vatiwo vanoona sekuti gurukota rezvehutano iri rine chido chekugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzezvehutano vakatiwo mangwana vari kuita musangano nebazi rezvehutano pamwe neHealth Services Board.

Mumwe mugari wemuHarare, VaZacharia Ndongwe, vati vakamboshaya pekubata mushure mekurwarirwa kuzvipatara kusina vashandi vezvehutano. VaNdongwe vati vanotenda zvikuru zvaitwa nevakoti vachiti zvinobatsira kudzikisa kufu kwevanhu munyika.

Amai Eugene Muchetu vatiwo kudzokera kubasa kwevakoti kunoita kuti vanhu vawane rubatsiro.

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaJohn Mangwiro, vaudza Studio7 kuti hurumende inofara zvikuru nedanho ratorwa nevakoti asi vakati vanga vasati vava nehuwandu hwekuti vakoti vangani vadzokera kumabasa pari zvino.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaChiwenga panyaya iyi.

Asi pamusangano wavakaita nevatori venhau neMuvhuro, VaChiwenga vakatiwo vaizogadzirisa zviri kunetsa munyaya dzehutano vakatiwo hurumende ichazenge ichimisa vanhu kunorapwa kunze kwenyika kuitira kuti mari yacho ivandudze zvipatara zvemuno.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG