Accessibility links

Breaking News

Vana Mukoti Vanokanda Mapadza Pasi Vachiti Mari Dzavo Dziwedzerwe


Doctors strike
Doctors strike

Vana mukoti muzvipatara zvikuru zvehurumende zvakasiyana-siyana munyika vatanga kuramwa mabasa neChishanu vachiti vanoda kuti hurumende ihadzirise zvichemo zvavo.

Kuramwa mabasa uku kunoitika panguva iyo vana chiremba vadarika masvondo maviri vachiramwawo mabasa.

Vana mukoti vanodarika zviuru gumi nezvitanhatu munyika mose vakanda mapadza avo pasi vachiti hurumende iri kuramba ichivabata kumeso pazvichemo zvavo, izvo yakavimbisa kugadzirisa makore akawanda apfuura.

Vana mukoti ava vanoti vari kuramwa mabasa kwete senzira yekutsigira vana chiremba avo vava nemazuva gumi nematanhatu vachiramwa mabasa, asi kuti ivo vane zvichemo zvavowo zvisiri kugadziriswa nehurumende, zvavanoda kuti zvigadziriswe nechimbi chimbi.

Vana mukoti vari kuda kuti mari dzavanotambira dziwedzerwe, uye mashandiro avo agadziriswe kuitira kuti vashande zvine chiremera, pamwe nekuti muzvipatara muve nemishonga uye zvikwanisiro zvinoita kuti vashande nemazvo.

Sachigaro weZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vati ichokwadi kuti nhengo dzavo zhinji dzaramwa mabasa kuitira kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe nehurumende.

Vati hurumende iri kutaura navo nechinangwa chekugadzirisa zvichemo izvi. Asi vati zvinenge zvavimbiswa nehurumende zvichazeyiwa nesangano ravo voona matanho ekutora.

Pashanyira Studio7 zvipatara zvemuBulawayo, vana mukoti vanga vachidzokera kudzimba dzavo mangwanani, pasina basa ravaita.

Mutungamiri weZimbabwe Nurses Association muBulawayo, VaSimangaliso Mafa, vaudza Studio 7 vati hapana zvakawanda zvavange vachikwanisa kutaura pamusoro pezvekuramwa mabasa uku sezvo vange vachipinda mumusangano patavabata parunhare.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions raburitsa gwaro rinoshora gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, richiti VaParirenyatwa vanofanirwa kusiya basa nekuti varatidza kukundikana kugadzirisa matambudziko munyaya dzezvehutano.

Munyori mukuru weWomen’s Committee muZCTU, Amai Barbara Tanyanyiwa, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo rinotsigira kuramwa mabasa kwemadhokotera navana mukoti vachiti zvakakosha kuti vapiwe mugove wavo wakafanira.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna Dr Parirenyatwa kana kuhurumende panyaya iyi. Asi hurumende inoti haina mari yekugadzirisa zviri kudiwa nebazi rezvehutano.

Vanhu vakawanda vanoti kuramwa basa kwemadhokotera navana mukoti mabasa kuri kuisa hupenyu hweveruzhinji munjodzi vachiti hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya iyi nekukasika.

Mumwe mugari wemuBulawayo uyo angozvidoma nezita rekuti Takunda ati ange aperekedza sekuru vake kuRichard Morris Hospital chikamu chechipatara cheUnited Bulawayo Hospital panorapwa vanhu maziso, asi ati vatadza kuwana rubatsiro.

Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvehutano, VaDingilizwe Tshuma, avo vanomirira Entumban/Emakhandeni mudare reparamende, vati nhengo dzeparamende dzinogara dzichitaura kuti hurumende igadzirise matambudziko akatarisana nebazi rezvehutano.

Mumiriri we Bulawayo Central mudare reparamende, Amai Dorcas Sibanda,vatiwo hurumende inofanirwa kukoshesa kugadzirisa matambudziko munyaya dzezvehutano pamwe nedzidzo munyika.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vana mukoti vari kuramwa mabasa ava vari kuwedzera matambudziko akatarisana nevarwere munyika yose, sezvo vana chiremba vanodarika chiuru chimwe chete, vari kuramwawo mabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG