Vakoti vepachipatara chikuru chemuChinhoyi varatidzira neChipiri vachitsigira vamwe vavo vakasungwa neMuvhuro muHarare mushure mekuratidzira vachida kuwedzerwa mari dzemihoro uye kuwaniswa zvikwanisiro zvekushandisa kana vari pabasa.
Vakoti ava vanga vachisvika zana varatidzira vachiti nhengo dzavo dzakasungwa dziburitswe muhusungwa uye kuti hurumende ivape mari dzemihoro nemadhora ekuAmerica pamwe nekuwaniswa zvikwanisiro zvekushandisa.
Murongi wemabasa musangano rinomirira vakoti reZimbabwe Nurses Association, Zina, kuMakonde, Muzvare Nyarai Mapepa, vati havachatye kusungwa sezvakaitwa vamwe vavo nezuro uye vaneta nekutyisidzirwa nehurumende.
Mumwe aratidzira nhasi VaDesire Masango vati zvave kunetsa kuti vaende kubasa sezvo mari ichisakwane kuti vaende kubasa pamwe nekuraramisa mhuri dzavo.
Vamwe vakoti vepazvipatara zveParirenyatwa neChitungwiza varatidzirawo vachitsigira vamwe vavo vakasungwa neMuvhuro.
Zvichakadaro, vakoti gumi nemumwechete vakasungwa nezuro vamiswa pamberi pedare nhasi muHarare vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo une chekuita nekuchengetedza kuvharwa kwenyika kana kuti violating national lockdown regulations.
Mutongi wedare apa vakoti ava mukana wekubhadhara mari inoita chiuru chimwechete chemadhora emaRTGS pamunhu kuti vatongwe vachibva kumba uye vanofanirwa kuzviratidza kumapurisa ari pedyo nepavanogara kamwe chete pasvondo.
Mutungamiri weZina munyika, VaEnock Dondo, vati kusungwa kwenhengo dzavo hakumise kuramwa mabasa vachiti vamwe vakoti nevanoyamura muzvipatara vatangawo kuramwawo mabasa nhasi.
VaDondo vati mari inosvika chiuru chemadhora nemazana mashanu yapihwa vakoti nehurumende haina zvainokwana vachiti vanoda kuti vakoti vabhadharwe nemadhora ekuAmerica.
Vakoti vemuHarare vakatanga kuramwa mabasa mwedzi wapera vachiti vanoda kuti vabhadharwe nemadhora ekuAmerica.
Hurumende yakati yawedzera mari dzevashandi vehurumende nezvikamu makumi mashanu kubva muzana, uye kuvapa madhora makumi manomwe nemashanu ekuAmerica pamwedzi kwemwedzi mitatu.
Asi izvi hazvina kutambirwa nevashandi vehurumende vachiti hapana hurukuro dzakaitwa.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr John Mangwiro, kuti vachaita seyi nevashandi vezvehutano vari kuramwa mabasa.
Facebook Forum