Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kubaiwa Nhomba yeCovid-19 Huri Kuramba Huchiwedzera


Mushonga wenhomba yeCovid-19, Sputnik V
Mushonga wenhomba yeCovid-19, Sputnik V

Mutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzevanhu munyaya dzezvehutano, VaItai Rusike, vanoti vari kufara nekuti huwandu hwevanhui vari kubayiwa nhomba yeCovid-19 huri kuramba huchiwedzera zuva nezuva.

Hurumende inoti inoda kuti vanhu mamiriyoni gumi vabayiwe nhomba yeCovid-19 uye gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti chinangwa chavo ndecheuti nyika itenge nbomba inosvika miriyoni pamwedzi, parizvino Zimvbabwe inhe nhomba nhatu dzinoti Sinovac nesinopharm kubva kuChina uye Covaxin kubva kuIndia.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakatiwo hurumemende yakatendera kuti imwe nhomba yekuRussia yeSputnik V ishandiswewo munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG