Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vofungiswa Gukurahundi neMaitiro eMasoja


Jenni Williams
Jenni Williams

Masangano anoshanda akazvimirira anoti hurumende inofanirwa kumisa kushungurudza vanhu kuri kunzi kuri kuitwa nemasoja achiti zviri kuitika hazvina kusiyana nezvaiitika panguva yeGukurahundi.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muBulawayo, mutauriri wemubatanidzwa weMatabeleland Collective, Amai Jenni Williams, vati mubatanidzwa wavo unoshora zvikuru zviri kuitika.

Mukuru wesangano reHabakkuk Trust rinove nhengo yemubatanidzwa uyu, VaDumisani Nkomo, vaudza Studio7 kuti masangano avo ane humbowo hwekuti kushungurudzwa nekurohwa kwevanhu nemasoja kuchiri kuenderera mberi vakati zviri kuitika izvi hazvina kusiyana nezvaiitika panguva yeGukurahundi.

VaNkomo vati vataura negurukota redunhu reBulawayo, Amai Judith Ncube, kusafara kwavo nezviri kuitika vachitiwo vane hurongwa hwekutaura nemamwe makurukota pamwe nemapazi akasiyana-siyana ehurumende.

Vati chimwe chezvinhu zvinofanirwa kuitwa nehurumende nechimbi-chimbi kutora danho rekuti masoja ose abve muvanhu adzokere muma bharaki vakati nyaya dzose dzekuti vari kurova vanhu dzinofanirwa kuferefetwa.

Mukuru weChristian Legal Society, VaGerald Matiba, vati vanhu vakawanda vari kushungurudzwa, kurohwa kana kusungwa. Vati vazhinji vari kusungwa vanhu vanotambura vasingakwanise kuwana mari yekuti vamiririrwe nemagweta.

Vatiwo pane vamwe vevanhu ava vari kurambidzwa kuti vawone magweta uye sangano ravo riri kushanda nemamwe masangano kuti ribatsire vanhu ava.

Mumashoko avakaburitsa nemusi weChitatu, mutauriri wemapurisa Commissioner Charity Charamba, vakati pane vanhu vanosvika chiuru nezana vakasungwa munyika mose zvichitevera mhirizhonga yakaitika pashutdown uye vakawanda vevanhu ava, avo vanopfuura mazana mana nemakumi mana, ndeve muBulawayo.

Kunyange hazvo vechiuto vari kuramba nyaya yekuti masoja ari kurova vanhu pane vanhu vakawanda munzvimbo dzakasiyana-siyana muBulawayo vari kuti vari kuramba vachishungurudzwa nemasoja.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG