Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheBhora reMaoko, chemaGems, Chinobudirira Mushure Mekurova Northern Ireland


Chikwata chebhora remaoko, chemaGems chabudirira mushure mekurova Northern Ireland 49-51 mumutambo wacho wekupedzisira mugungano rekutanga.
Chikwata chebhora remaoko, chemaGems chabudirira mushure mekurova Northern Ireland 49-51 mumutambo wacho wekupedzisira mugungano rekutanga.

Chikwata cheZimbabwe chemaGems chanyora imwe peji munhoroondo yemitambo muZimbabwe mushure mekusvika munharaunda yechipiri mumakundano eVitality Netball World Cup 2019.

Vasikana ava vadadisa zita renyika mushure mekubudirira kusvika munharaunda yechipiri ye2019 World Cup iyi mushure mekurova Northern Ireland 49-51 mumutambo wavo wekugumisira wemumagungano emakwikwi ari kuitirwa muguta reLiverpool muEngland.

Zimbabwe yakwanisa kubatana nezvimwe zvikwata gumi nechimweche zvichange zviri munharaunda yechipiri mushure mekunge Australia yazvambura Sri Lanka 99-24 ndokusiya Sri Lanka iri iyo iri pasi pasi mugungano rezvikwata zvina iri.

Sri Lanka haina kana poindi imwechete mushure mekurohwa neZimbabwe 79-49, ndokutevera izvi nekurohwa zvekare 67-50 neNorthern Ireland uye zvaitika nhasi apo yadonhedzwa neAustralia.

Zimbabwe ichapinda mune rimwe gungano zvekare richange riine zvikwata zvitanhatu munzira yavo yekurwira mukombe wakakosha uyu, uyo uri mumaoko meAustralia pari zvino.

Asi muongorori wezvemitambo VaTinasheMuseti vanoti vasikana ava vasafunge zvemari kuti vachatambidzwa mari nezvavaita izvi asi kuti vaise pfungwa dzavo dzese kumitambo kusvikira yapera.

Aka ndekekutanga Zimbabwe ichikwikwidza kumakundano eWorld Cup yemutambo we netball kubvira makundano aya avambwa muna 1963.

Zvichakadaro mumusha wemaGreen Machine eCaps United mazowana mufaro mushure mekunge Makepekepe arova Yadah 2-0 nhasi muNational Sports Stadium mushure mekufamba mitambo mina yakateverana isina kukunda.

Kukunda uku kwaisa maGreen Machine pachinhanho chechitatu, poindi imwechete pasi pechikwata chiri kutungamira cheFC Platinum icho chaita mangange 1-1 neHighlanders.

Mumwe muteveri wemaGreen Machine, Muzvare Leslie Marufu, vanoti Kepekepe ndizvo.

Mimwe mitambo yatambwa yapera seizvi…

Triangle United 2 TelOne 1

Mushowani 1 Herentals 1

Hwange 2 Chicken Inn 1

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG